Jobho 29:7-17
Jobho 29:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara, majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka; vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo; manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo. Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza, nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira. Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe. Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu. Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema. Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa. Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma.
Jobho 29:7-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Panguva yandaibuda kusuo reguta, Panguva yandaigadzira chigaro changu padare, Majaya akati achindiona aivanda, Navatana vaisimuka vakaramba vamire; Machinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo; Mazwi avakuru ainyarara, Ndimi dzavo dzainamatira mumikanwa yavo. Nokuti nzeve yakati ichindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati richindiona, ndokundipupurira zvakanaka. Nokuti ndairwira varombo vaichema, Nenhererawo, nowaishaiwa mubatsiri. Aikarofa aindiropafadza; Ndaiimbisa mwoyo wechirikadzi nomufaro. Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwangu kwaiva senguo nekorona. Ndaiva meso amapofu, Netsoka dzavanokamhina. Ndaiva baba vavaishaiwa; Ndainzvera mhaka yowandakanga ndisingazivi. Ndaivhuna meno avasina kururama, Nokubvuta chaakanga auraya mumeno ake.
Jobho 29:7-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Pandaienda kudare ndichindogarawo pachigaro changu munhandare vechiduku vaindiona vaipeuka, harahwa dzaisimuka dzichitomira. Makurukota aimbomira kutaura vachizarira miromo. Mazwi evokumbahuru achimbonyarara, rurimi rwavo ruchimbonamatira kumusoro. Vanhu vaiti vakandinzwa vaindikorokotedza ziso raindiona raindinwira mvura nokuti ndaisunungura varombo munhamo nenherera dzakanga dzisina anobatsira, chikomborero chavainge vava kufa chaiuya kwandiri ndichiita kuti chirikadzi dzifare zvakadzama mumwoyo. “Ndaipfeka ururami ihwo huchindifukidza. Ruenzaniso ndirwo rwaiva gemenzi rangu nengundu. Ndaive ziso kumapofu nemakumbo kuna vakaremara Ndaiva baba wavarombo. Nyaya dzavatorwa ndaidzitsvaka padziri. Ndaityora mazino anouturu avasina kururama ndichimudonhedzesa nyama yaakabata namazino.
Jobho 29:7-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paŋguʋa yandaiɓuɗa kusuʋo reguta, Paŋguʋa yandaigadzira cigaro caŋgu paɗare, Majaya akati acindiʋona aiʋanda, Naʋatana ʋaisimuka ʋakaramba ʋamire; Macinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo; Manzwi aʋakuru ainyarara, Ndimi dzaʋo dzainamatira mumikanwa yaʋo. Nokuti nzeʋe yakati icindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati ricindiʋona, ndokundipupurira ɀakanaka. Nokuti ndairwira ʋarombo ʋaicema, Nenherera ʋo, nowaishaiwa muɓatsiri. Waikaro‐fa waindiropafadza; Ndaiimbisa mŋoyo wecirikadzi nomufaro. Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwaŋgu kwaiʋa seŋguʋo nekorona. Ndaiʋa meso amapofu, Netsoka dzaʋanokamhina. Ndaiʋa ɓaɓa ʋaʋaishaiwa; Ndainɀera mhaka yowandakaŋga ndisiŋgaziʋi. Ndaivuna meno aʋasina‐kururama, Nokubvuta caakaŋga aʋuraya mumeno ake.
Jobho 29:7-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)