Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 29:7-17

Jobo 29:7-17 SUB1949

Paŋguʋa yandaiɓuɗa kusuʋo reguta, Paŋguʋa yandaigadzira cigaro caŋgu paɗare, Majaya akati acindiʋona aiʋanda, Naʋatana ʋaisimuka ʋakaramba ʋamire; Macinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo; Manzwi aʋakuru ainyarara, Ndimi dzaʋo dzainamatira mumikanwa yaʋo. Nokuti nzeʋe yakati icindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati ricindiʋona, ndokundipupurira ɀakanaka. Nokuti ndairwira ʋarombo ʋaicema, Nenherera ʋo, nowaishaiwa muɓatsiri. Waikaro‐fa waindiropafadza; Ndaiimbisa mŋoyo wecirikadzi nomufaro. Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwaŋgu kwaiʋa seŋguʋo nekorona. Ndaiʋa meso amapofu, Netsoka dzaʋanokamhina. Ndaiʋa ɓaɓa ʋaʋaishaiwa; Ndainɀera mhaka yowandakaŋga ndisiŋgaziʋi. Ndaivuna meno aʋasina‐kururama, Nokubvuta caakaŋga aʋuraya mumeno ake.

Verenga chikamu Jobo 29