Jobho 1:9-11
Jobho 1:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here? Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yake yakatekeshera munyika yose. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.”
Jobho 1:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, “Jobho anotya Mwari pasina here? Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika. “Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.”
Jobho 1:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here? Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika. Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo”
Jobho 1:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Satani akapindura Jehova, akati: Jobo unotya Mŋari pasina here? Hamuna‐kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, neɀose ɀaanaɀo, pamatiʋi ose? Makaropafadza maɓasa amaʋoko ake, ʋuye fuma yake yakawanda panyika. Asi tambanudzai henyu ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe ɀose ɀaanaɀo, ipapo iye ucakushoʋorai pacena.
Jobho 1:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)