Johani 9:18-41
Johani 9:18-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake. Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?” Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu. Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.” Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.” Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti murume uyu mutadzi.” Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!” Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?” Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?” Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi! Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.” Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake. Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.” Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze. Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?” Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.” Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.” Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata. Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.” Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?” Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”
Johani 9:18-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti akanga ari bofu, akazoona, kusvikira vadana vabereki vowakaoneswa, vakavabvunza, vachiti, “Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti akaberekwa riri bofu here? Zvino anogoona seiko?” Vabereki vake vakapindura, vakati, “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa riri bofu; asi hatizivi kuti zvino woona sei; noakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; ayaruka, achazvirevera hake.” Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. Naizvozvo vabereki vake vakati, “Ayaruka hake, mubvunzei henyu.” Zvino vakamudanazve rwechipiri, iye munhu akanga ari bofu, vakati kwaari, “Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Ipapo iye akapindura, akati, “Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.” Ipapo vakati kwaari, “Akakuiteiko? Akasvinudza meso ako sei?” Akavapindura, akati, “Ndatokuudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?” Vakamunyomba, vachiti, “Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi. Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.” Iye munhu akapindura, akati kwavari, “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishandira Mwari, achiita kuda kwake, anomunzwa iye. Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe akasvinudza meso omunhu, akaberekwa riri bofu. Dai uyu asati ari waMwari, haasaigona kuita chinhu.” Vakapindura, vakati kwaari, “Iwe wakaberekerwa muzvivi chose, zvino iwe wotidzidzisa isu?” Vakamudzingira kunze. Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari, “Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?” Akapindura, akati, “Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?” Jesu akati kwaari, “Wamuona, uye, ndiye unotaura newe.” Ipapo akati, “Ndinotenda, Ishe.” Akamupfugamira. Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandauyira panyika ino, kuti vasingaoni, vaone; navanoona vave mapofu.” Avo vavaFarisi vaiva naye, vakazvinzwa, vakati kwaari, “Ko nesuo tiri mapofu here?” Jesu akati kwavari, “Dai maiva mapofu, hamusaiva nezvivi, asi zvino munoti, tinoona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.”
Johani 9:18-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaJudha havana kudavira kuti akambenge ari bofu. Uye kuti akanga asvinudzwa maziso kusvikira vatodaidza vabereki vomunhu uya akanga asvinudzwa maziso. Vakavabvunza kuti, “Uyu mwana wenyu here uyu wamungati akaberekwa ari bofu; ko zvaitika sei kuti zvino avakuona?” Vabereki vake vakapindurawo vachiti, “Chatinoziva isu ndechokuti, uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa ari bofu. Asi zvokuti iye zvino ava kuona sei isu hatizvizivi kana kuzivawo kuti ndiani wamusvinudza maziso. Mubvunzei iye, inga abve zero wani. Anozvidavirira.” Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Inga abve zero wani, mubvunzei iye.” Naizvozvo vakadaidzazve kechipiri munhu uya akaberekwa ari bofu vakamuti, “Iwe remekedza Mwari, isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Iye akapindura achiti, “Zvokuti mutadzi ini handizvizivi asi chandinoziva chimwechete chokuti ini ndanga ndiri bofu, zvino ndavakuona.” Vakati kwaari, “Chii chaaita kwauri. Akusvinudza maziso ako sei?” Iye akavapindura achiti, “Inga ndakutaurirai kare wani, mukaramba kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mavakudawo kuva vadzidzi vake nhai?” Vakabva vamunyomba vachiti, “Iwe ndiwe ungatova mudzidzi wake isu tiri vadzidzi vaMosesi. Isu tinoziva kuti Mwari akataura kuna Mosesi. Asi zvomunhu uyu, hatizivi kwaanobva.” Munhu uya akavapindura achiti, “Apokaapo, izvi zvinoshamisa izvi, heya hamuzivi kwaanobva asi iye andisvinudza maziso angu? Tinoziva kuti Mwari haateeri vatadzi, asi kana munhu ari munamati waMwari, uye achiita kuda kwake, Mwari anomunzwa. Kubvira pakutanga kwapasi, hakuna kumbonzwika kuti pane akambozarura maziso omunhu akazvarwa ari bofu. Dai munhu uyu anga asingabvi kuna Mwari hapana chaaikwanisa kuita.” Vakati kwaari, “Iweka iwe, chiberekerwo chako uri mutadzi chaiyeiye. Ndiwe ungade kutidzidzisa iyewe.” Vakabva vamudzinga. Jesu akazvinzwa kuti vamutandanisa. Paakamuona akamuti, “Unotenda here muna Mwanakomana womunhu?” Iye akapindura achiti, “Ndiani iyeyo nhai, changamire kuti nditende maari.” Jesu akamuti, “Wamuona, ndini iye uno ari kutaura kwauri.” Iye akati, “Tenzi ndinotenda,” akabva amugwadamira. Jesu ndokubva ati: “Ndakauya kuti vanhu vazvitongese kuti vasingaoni vaone uye kuti vanoona varege kuona.” Vamwe vaFarisei vakanga vari pedyo naye vakazvinzwa, vakati kwaari, “Nesuwo tiri mapofu here isu?” Jesu akati kwavari, “Dai muri mapofu mungadai musina mhosva. Asi zvino zvamunoti tinoona mhosva yenyu inongoramba iripo.”
Johani 9:18-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ʋaJuda haʋana‐kutenda pamsoro pake, kuti wakaŋga ari ɓofu, akazoʋona, kuȿikira ʋaɗana ʋaɓereki ʋowakaʋoneswa, ʋakaʋabvunza, ʋaciti: Uyu ndiye mŋanakomana wenyu, wamunoti wakaɓerekwa riri ɓofu here? Ɀino unogoʋona seiko? Ʋaɓereki ʋake ʋakapindura, ʋakati: Tinoziʋa kuti uyu mŋanakomana weɗu, ʋuye kuti wakaɓerekwa riri ɓofu; asi hatiziʋi kuti ɀino woʋona sei; nowakaȿinudza meso ake, hatimuziʋi; mubvunzei henyu; waaruka, ucaɀireʋera hake. Ʋaɓereki ʋake ʋakareʋa iɀoɀo, nokuti ʋaitya ʋaJuda, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋatotenderana, kuti kana kuciŋge kunomunhu unotenda kuti ndiye Kristu, aɓuɗiswe musinagoge. Naiɀoɀo ʋaɓereki ʋake ʋakati: Waaruka hake, mubvunzei henyu. Ɀino ʋakamuɗana ɀe rwecipiri, iye munhu wakaŋga ari ɓofu, ʋakati kwaari: Rumbidza Mŋari; isu tinoziʋa kuti munhu uyu mutadzi. Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handiziʋi; ndinoziʋa cinhu cimŋe, kuti ndaiʋa ɓofu, ɀino ndoʋona. Ipapo ʋakati kwaari: Wakakuiteiko? Wakaȿinudza meso ako sei? Akaʋapindura, akati: Ndatokuʋudzai, mukasanzwa. Munoɗa kunzwa ɀe nemhaka yeiko? Nemi munoɗa kuʋa ʋadzidzi ʋake ʋo kanhi? Ʋakamutuka, ʋaciti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri ʋadzidzi ʋaMosesi. Tinoziʋa kuti Mŋari wakataura naMosesi; asi uyu hatiziʋi kwaakabva. Iye munhu akapindura, akati kwaʋari: Nyambera cinhu ici cinoshamisa, kuti imi hamuziʋi kwaanobva, kunyaŋge akaȿinudza meso aŋgu. Tinoziʋa kuti Mŋari haanzwi ʋatadzi; asi kana munhu acishumira Mŋari, aciita kuɗa kwake, unomunzwa iye. Kubvira pakutaŋga hakunakumbonzwika, kuti mumŋe wakaȿinudza meso omunhu, wakaɓerekwa riri ɓofu. Ƌai uyu asati ari waMŋari, haazaigona kuita cinhu. Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Iwe wakaɓerekerwa kwaɀo muɀiʋi, ɀino iwe wotidzidzisa su? Ʋakamudziŋgira kunze. Jesu akanzwa kuti ʋamudziŋgira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMŋanakomana waMŋari here? Akapindura, akati: Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari? Jesu akati kwaari: Wamuʋona, ʋuye, ndiye unotaura newe. Ipapo akati: Ndinotenda, Ishe. Akamunamata. Jesu akati: Kutoŋga ndiko kwandaʋuyira panyika ino, kuti ʋasiŋgaʋoni, ʋaʋone; naʋanoʋona ʋaʋe mapofu. Aʋo ʋaʋaFarise ʋaiʋa naye, ʋakaɀinzwa, ʋakati kwaari: Ko nesu ʋo tiri mapofu here? Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa mapofu, hamuzaiʋa neɀiʋi, asi ɀino munoti: Tinoʋona; ɀiʋi ɀenyu ɀinoramba ɀiri’po.
Johani 9:18-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)