Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 9:18-41

Johani 9:18-41 SCLBD

VaJudha havana kudavira kuti akambenge ari bofu. Uye kuti akanga asvinudzwa maziso kusvikira vatodaidza vabereki vomunhu uya akanga asvinudzwa maziso. Vakavabvunza kuti, “Uyu mwana wenyu here uyu wamungati akaberekwa ari bofu; ko zvaitika sei kuti zvino avakuona?” Vabereki vake vakapindurawo vachiti, “Chatinoziva isu ndechokuti, uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa ari bofu. Asi zvokuti iye zvino ava kuona sei isu hatizvizivi kana kuzivawo kuti ndiani wamusvinudza maziso. Mubvunzei iye, inga abve zero wani. Anozvidavirira.” Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Inga abve zero wani, mubvunzei iye.” Naizvozvo vakadaidzazve kechipiri munhu uya akaberekwa ari bofu vakamuti, “Iwe remekedza Mwari, isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Iye akapindura achiti, “Zvokuti mutadzi ini handizvizivi asi chandinoziva chimwechete chokuti ini ndanga ndiri bofu, zvino ndavakuona.” Vakati kwaari, “Chii chaaita kwauri. Akusvinudza maziso ako sei?” Iye akavapindura achiti, “Inga ndakutaurirai kare wani, mukaramba kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mavakudawo kuva vadzidzi vake nhai?” Vakabva vamunyomba vachiti, “Iwe ndiwe ungatova mudzidzi wake isu tiri vadzidzi vaMosesi. Isu tinoziva kuti Mwari akataura kuna Mosesi. Asi zvomunhu uyu, hatizivi kwaanobva.” Munhu uya akavapindura achiti, “Apokaapo, izvi zvinoshamisa izvi, heya hamuzivi kwaanobva asi iye andisvinudza maziso angu? Tinoziva kuti Mwari haateeri vatadzi, asi kana munhu ari munamati waMwari, uye achiita kuda kwake, Mwari anomunzwa. Kubvira pakutanga kwapasi, hakuna kumbonzwika kuti pane akambozarura maziso omunhu akazvarwa ari bofu. Dai munhu uyu anga asingabvi kuna Mwari hapana chaaikwanisa kuita.” Vakati kwaari, “Iweka iwe, chiberekerwo chako uri mutadzi chaiyeiye. Ndiwe ungade kutidzidzisa iyewe.” Vakabva vamudzinga. Jesu akazvinzwa kuti vamutandanisa. Paakamuona akamuti, “Unotenda here muna Mwanakomana womunhu?” Iye akapindura achiti, “Ndiani iyeyo nhai, changamire kuti nditende maari.” Jesu akamuti, “Wamuona, ndini iye uno ari kutaura kwauri.” Iye akati, “Tenzi ndinotenda,” akabva amugwadamira. Jesu ndokubva ati: “Ndakauya kuti vanhu vazvitongese kuti vasingaoni vaone uye kuti vanoona varege kuona.” Vamwe vaFarisei vakanga vari pedyo naye vakazvinzwa, vakati kwaari, “Nesuwo tiri mapofu here isu?” Jesu akati kwavari, “Dai muri mapofu mungadai musina mhosva. Asi zvino zvamunoti tinoona mhosva yenyu inongoramba iripo.”

Verenga chikamu Johani 9