Johani 6:41-51
Johani 6:41-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo, vaJudha vakatanga kugununʼuna pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.” Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?” Jesu akapindura akati, “Regai kugununʼuna pakati penyu. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
Johani 6:41-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu. “Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri. Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba. “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi. Ndini chingwa choupenyu. “Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
Johani 6:41-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.”
Johani 6:41-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaJuda ʋakaŋuŋuna pamsoro pake, nokuti wakati: Ndini ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga. Ʋakati: Uyu haazi Jesu, Mŋanakomana waJosefa, watinoziʋa ɓaɓa namai ʋake here? Ɀino uŋgagoti seiko: Ndakaɓuruka kuɗeŋga? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Musaŋuŋuna pakati penyu. Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri. Handireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoʋupenyu bgusiŋgaperi. Ndini ciŋgwa coʋupenyu. Madziɓaɓa enyu akadya mana murenje, akafa. Ici ndico ciŋgwa, cinoɓuruka kuɗeŋga, kuti munhu acidye, arege kufa. Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika.
Johani 6:41-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)