VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.”
Verenga chikamu Johani 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 6:41-51
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo