Johani 6:32-40
Johani 6:32-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.” Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.” Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino. Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure. Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma. Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”

Johani 6:32-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.” Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.” Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi. “Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”
Johani 6:32-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.”
Johani 6:32-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga. Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose. Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota. Asi ndakakuʋudzai, kuti makandiʋona, asi hamutendi. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze. Nokuti handina‐kuɓuruka kuɗeŋga, kuti ndiite kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira. Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
Johani 6:32-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)