Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 6:32-40

Johane 6:32-40 SUB1949

Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga. Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose. Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota. Asi ndakakuʋudzai, kuti makandiʋona, asi hamutendi. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze. Nokuti handina‐kuɓuruka kuɗeŋga, kuti ndiite kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira. Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.

Verenga chikamu Johane 6