Johani 6:16-33
Johani 6:16-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa, uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari. Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha. Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga. Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga. Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe. Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu. Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta. Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.” Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?” Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.” Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiratidza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko? Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’ ” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”

Johani 6:16-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa; vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari. Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta. Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.” Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda. Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu. Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?” Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.” Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ” Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.”
Johani 6:16-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda. Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu. Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.” Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.”
Johani 6:16-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋake ʋakaɓurukira kuguŋgwa; ʋakapinda mugwa, ʋakataŋga kuyambuka guŋgwa kuenda Kapernaume. Ɀino kwakaŋga kwaȿiɓa, asi Jesu wakaŋga asati aȿika kwaʋari. Guŋgwa rikataŋga kumutswa nemhepo huru yaivuvuta. Ɀino ʋakati ʋakwaȿa ɀikuru mastadia aneŋge makumi maʋiri namashanu, kana makumi matatu, ʋakaʋona Jesu acifamba pamsoro peguŋgwa, acisweɗera pedyo negwa; ʋakatya. Asi iye akati kwaʋari: Ndini, musatya. Ɀino ʋakafara kumugamucira mugwa, igwa rikaȿika pakarepo kunyika kwaʋakaŋga ʋacienda. Aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire mhiri kweguŋgwa, ʋakaʋona kuti pakaŋga pasinerimŋe igwa ɗuku ipapo, asi iro rimŋe makaŋga mapinda ʋadzidzi ʋake, mariri, ʋuye kuti Jesu haana‐kupinda mugwa naʋadzidzi ʋake, asi kuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda ʋoga. (Asi mamŋe magwa maɗuku akaŋga abva Tiberiasi, akaȿika pedyo paʋakadyira ɀiŋgwa, Ishe amboʋoŋga). Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona, kuti Jesu haa’po, naʋadzidzi ʋake, ʋakapinda ʋamene mumagwa maɗuku, ʋakaȿika Kapernaume, ʋacitȿaka Jesu. Ɀino ʋakati ʋamuwana mhiri kweguŋgwa, ʋakati kwaari: Rabi, maʋuya pano riniko? Jesu akaʋapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hamunditȿaki nokuti makaʋona ɀiratidzo, asi nokuti makadya ɀiŋgwa mukaguta. Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari. Ɀino ʋakati kwaari: Ticaiteiko, kuti tiɓate maɓasa aMŋari? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ƃasa raMŋari ndiro, kuti mutende kunaiye waakatuma. Ɀino ʋakati kwaari: Munoita ciratidzo cipiko, kuti tiʋone, tikutendei? Imi munoɓateiko? Madziɓaɓa eɗu akadya mana murenje, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, kuti ʋadye. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga. Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu.
Johani 6:16-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)