Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa; vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari. Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta. Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.” Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.
Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?”
Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?”
Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ”
Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.”