Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 5:19-47

Johani 5:19-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi. Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma. “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo. Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi. “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi. Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe. Johani akanga ari mwenje waipfuta uye uchivhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake. “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma. Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo, uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma. Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. “Handigamuchiri kurumbidzwa kunobva kuvanhu, asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu. Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira. Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga? “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari. Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu. Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5

Johani 5:19-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo. “Nokuti baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kuna iwawa, kuti mushamiswe. Nokuti baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda kuraramisa. Nokuti nababa havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi nababa, vakamutuma. “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anonzwa shoko rangu, nokutenda akandituma, ano upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi abva murufu, aenda muupenyu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, nguva inouya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa izwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama. Nokuti baba sezvavano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana, kuti ave noupenyu maari. Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu. “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa izwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa. “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi. “Mumwe aripo anondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwechokwadi. Makatuma kuna Johani, iye akapupurira chokwadi. Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva izvozvo kuti muponeswe. Iye akanga ari mwenje unopfuta nounovheneka; imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake. Ini ndine chapupu chikuru kuna Johani; nokuti mabasa andakapiwa nababa kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti baba vakandituma. Naivo baba, vakandituma, ndivo vakandipupurirawo. Hamuna kutongonzwa izwi ravo, kana kuona mufananidzo wavo. Shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi avakatuma. Munonzvera Magwaro, nokuti munoti upenyu husingaperi munahwo maari; ndiwo anondipupurira ini. “Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve noupenyu. “Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu; asi ndinokuzivai, kuti hamuna rudo rwaMwari mukati menyu. Ndakauya nezita rababa vangu, asi hamundigamuchiri; kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye. Mungatenda seiko imi, iyemi munogamuchira kukudzwa mumwe kune mumwe, asi kukudzwa kunobva kuna Mwari, ari oga, hamukutsvaki? Musati ndichakupomerai mhosva kuna baba; mumwe ariko anokupomerai mhosva, ndiye Mosesi, wamakavimba naye. Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye akanyora zvangu. Asi kana musingatendi manyoro ake, mungatenda seiko mashoko angu?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5

Johani 5:19-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Mwanakomana haakwanisi kuita chinhu nokwake pachake asi kuita zvaanoona Baba vachiita nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanenge vachiitawo pachavo uye vachamuratidza mabasa makuru kupinda iwaya kuti mushamiswe. Nokuti sezvinongoita Baba kumutsa vakafa vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopawo upenyu kune waanenge ada. Baba havatongi munhu, asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana kuti vose varemekedze mwanakomana sokuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedzi Mwanakomana haaremekedzi Baba vakamutuma. Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri anonzwa izwi rangu uye achitenda akandituma anoupenyu husingaperi haagadzwi dare; asi atobva kurufu achienda kuupenyu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari. Avo vacharinzwa vachava vapenyu. Sezvo Baba vari dzinde roupenyu saizvozvo vakaitawo kuti Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari, vakamupa ukuru kuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana womunhu. Musashamisike nezvizvi zvokuti nguva iri kuuya yokuti vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo. Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu, vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa. Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga. Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba ndiwo matongero andinoita; uye kutonga kwangu kwakarurama nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma. Ndikazvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi. Kune mumwe anondipupurira uye ndinoziva kuti kundipupurira kwake ndekwechokwadi. Makatuma nhume kuna Johani akapupurira chokwadi. Zvisingarevi zvazvo kuti ini ndinovimba nouchapupu hwomunhu. Asi ndinotaura izvi kuti imi muponeswe. Akanga ari rambi rinopfuta uye rinopenya imi mukafarira kuva muchiedza chake kwekanguva. Asi uchapupu hwandinahwo hukuru kupinda hwaJohani nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, mabasa iwayo andiri kuita anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma. Ivowo Baba vakandituma vanondipupurira. Izwi ravo hamusati mamborinzwa chimiro chavo hamusati mambochiona. Uyewo izwi ravo harigari mamuri nokuti hamudaviri uyo wavakatuma. Munotsvagatsvaga muMagwaro Matsvene nokuti munofunga kuti maari munowana upenyu husingaperi Magwaro iwayo ndiwo anotondipupurira. Asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muwane upenyu. Ini handitsvagi kuwana mbiri inobva kuvanhu. Asi sokukuzivai kwandinoita, rudo rwaMwari mamuri hamuna. Ndakauya ini muzita raBaba vangu asi hamundigamuchiri asi mumwewo akauya muzita rake iyeyo ndiye wamunogamuchira. Mungatenda sei imi munofarira kurumbidzana, musingatsvaki mbiri inobva kuna Mwari mumwechete. Musafunge kuti ini ndini ndichakupai mhosva panaBaba asi Mosesi wamunovimba naye, ndiye achakupai mhosva. Dai maidavira muna Mosesi maidavirawo mandiri nokuti akanyora nezvangu. Zvino kana musingatendi zvaakanyora mungatenda sei mashoko angu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5

Johani 5:19-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mŋanakomana haagoni kuita cinhu oga, kana asiŋgaʋoni Ƃaɓa ʋaciciita; nokuti ɀose ɀaʋanoita iʋo, Mŋanakomana unoɀiita saiɀoɀo ʋo. Nokuti Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋanomuratidza ɀose ɀaʋanoita ʋamene; ʋacamuratidza maɓasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe. Nokuti Ƃaɓa sezaʋanomutsa ʋakafa, ʋaciʋararamisa, saiɀoɀo Mŋanakomana unoraramisa ʋo ʋaanoɗa kuraramisa. Nokuti naƂaɓa haʋatoŋgi munhu, asi ʋakapa Mŋanakomana kutoŋga kwose, kuti ʋose ʋakudze Mŋanakomana seɀaʋanokudza Ƃaɓa. Usiŋgakudzi Mŋanakomana, haakudzi naƂaɓa, ʋakamutuma. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko raŋgu, nokutenda wakandituma, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; haaʋuyi mukutoŋgwa, asi wabva murufu, waenda muʋupenyu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, nayo ʋakafa ʋacanzwa inzwi roMŋanakomana waMŋari; ʋanonzwa ʋacararama. Nokuti Ƃaɓa seɀaʋanoʋupenyu maʋari, saiɀoɀo ʋo ʋakapa Mŋanakomana, kuti aʋe noʋupenyu maari. Ʋakamupa simba rokutoŋga, ɀaari Mŋanakomana womunhu. Musashamiswa naiɀoɀo; nokuti ŋguʋa inoʋuya, nayo ʋose ʋari mumabgiro ʋacanzwa inzwi rake, ʋacaɓuɗa; aʋo ʋakaita ɀakanaka, kukumuka kwoʋupenyu, aʋo ʋakaita ɀakaipa, kukumuka kwokutoŋgwa. Handigoni kuita cinhu ndoga; ndinotoŋga seɀandinonzwa; kutoŋga kwaŋgu kwakarurama, nokuti handitȿaki kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kana ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu hakuzi kwaɀokwaɗi. Mumŋe uri’po unondipupurira; ndinoziʋa kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwaɀokwaɗi. Makatuma kunaJohane, iye akapupurira ɀokwaɗi. Ini handigamuciri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreʋa iɀoɀo kuti muponeswe. Iye wakaŋga ari mŋenje unopfuta nounoveneka; imi makaŋga muciɗa kufara ŋguʋa ɗuku muciedza cake. Ini ndinecapupu cikuru kunaJohane; nokuti maɓasa andakapiwa naƂaɓa kuti ndiapedze, iwo maɓasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti Ƃaɓa ʋakandituma. Naiʋo Ƃaɓa, ʋakandituma, ndiʋo ʋakandipupurira ʋo. Hamuna‐kutoŋgonzwa inzwi raʋo, kana kuʋona mufananidzo waʋo. Shoko raʋo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi waʋakatuma. Munonɀera Magwaro, nokuti munoti ʋupenyu bgusiŋgaperi munabgo maari; ndiwo anondipupurira ini. Asi hamuɗi kuʋuya kwandiri, kuti muʋe noʋupenyu. Handigamuciri kukudzwa kunobva kuʋanhu; asi ndinokuziʋai, kuti hamunoruɗo rwaMŋari mukati menyu. Ndakaʋuya nezita raƂaɓa ʋaŋgu, asi hamundigamuciri; kana mumŋe akaȿika nezita rake amene, mucamugamucira iye. Muŋgatenda seiko imi, iyemi munogamucira kukudzwa mumŋe kunomumŋe, asi kukudzwa kunobva kunaMŋari, uri oga, hamukutȿaki? Musati ndicakupomerai mhoȿa kunaƂaɓa; mumŋe uri’ko unokupomerai mhoȿa, ndiye Mosesi, wamakaʋimba naye. Nokuti ɗai maitenda Mosesi, muŋgaɗai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora ɀaŋgu. Asi kana musiŋgatendi manyoro ake, muŋgatenda seiko mashoko aŋgu?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5

Johani 5:19-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)