Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 5:19-47

Johani 5:19-47 SCLB

Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Mwanakomana haakwanisi kuita chinhu nokwake pachake asi kuita zvaanoona Baba vachiita nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanenge vachiitawo pachavo uye vachamuratidza mabasa makuru kupinda iwaya kuti mushamiswe. Nokuti sezvinongoita Baba kumutsa vakafa vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopawo upenyu kune waanenge ada. Baba havatongi munhu, asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana kuti vose varemekedze mwanakomana sokuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedzi Mwanakomana haaremekedzi Baba vakamutuma. Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri anonzwa izwi rangu uye achitenda akandituma anoupenyu husingaperi haagadzwi dare; asi atobva kurufu achienda kuupenyu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari. Avo vacharinzwa vachava vapenyu. Sezvo Baba vari dzinde roupenyu saizvozvo vakaitawo kuti Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari, vakamupa ukuru kuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana womunhu. Musashamisike nezvizvi zvokuti nguva iri kuuya yokuti vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo. Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu, vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa. Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga. Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba ndiwo matongero andinoita; uye kutonga kwangu kwakarurama nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma. Ndikazvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi. Kune mumwe anondipupurira uye ndinoziva kuti kundipupurira kwake ndekwechokwadi. Makatuma nhume kuna Johani akapupurira chokwadi. Zvisingarevi zvazvo kuti ini ndinovimba nouchapupu hwomunhu. Asi ndinotaura izvi kuti imi muponeswe. Akanga ari rambi rinopfuta uye rinopenya imi mukafarira kuva muchiedza chake kwekanguva. Asi uchapupu hwandinahwo hukuru kupinda hwaJohani nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, mabasa iwayo andiri kuita anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma. Ivowo Baba vakandituma vanondipupurira. Izwi ravo hamusati mamborinzwa chimiro chavo hamusati mambochiona. Uyewo izwi ravo harigari mamuri nokuti hamudaviri uyo wavakatuma. Munotsvagatsvaga muMagwaro Matsvene nokuti munofunga kuti maari munowana upenyu husingaperi Magwaro iwayo ndiwo anotondipupurira. Asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muwane upenyu. Ini handitsvagi kuwana mbiri inobva kuvanhu. Asi sokukuzivai kwandinoita, rudo rwaMwari mamuri hamuna. Ndakauya ini muzita raBaba vangu asi hamundigamuchiri asi mumwewo akauya muzita rake iyeyo ndiye wamunogamuchira. Mungatenda sei imi munofarira kurumbidzana, musingatsvaki mbiri inobva kuna Mwari mumwechete. Musafunge kuti ini ndini ndichakupai mhosva panaBaba asi Mosesi wamunovimba naye, ndiye achakupai mhosva. Dai maidavira muna Mosesi maidavirawo mandiri nokuti akanyora nezvangu. Zvino kana musingatendi zvaakanyora mungatenda sei mashoko angu.”

Verenga chikamu Johani 5