Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 5:1-47

Johani 5:1-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?” Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata. Naizvozvo vaJudha vakati kumurume uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.” Asi iye akapindura akati, “Murume andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ” Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko murume uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?” Murume uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo. Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora. Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.” Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa. Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza. Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.” Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi. Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma. “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo. Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi. “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi. Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe. Johani akanga ari mwenje waipfuta uye uchivhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake. “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma. Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo, uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma. Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. “Handigamuchiri kurumbidzwa kunobva kuvanhu, asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu. Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira. Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga? “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari. Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu. Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5

Johani 5:1-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJudha waivapo; Jesu akakwira Jerusaremu. Zvino kuJerusaremu pedyo nesuo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Bhetisaidha nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu. Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakaonyana, [vaigarira kubvongodzwa kwemvura. Nokuti mutumwa waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo aitanga kupinda mumvura yabvongodzwa aiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.] Zvino kwaivapo mumwe munhu, akanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere. Jesu akati aona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti akanga akadaro nguva refu, akati kwaari, “Unoda kuporeswa here?” Murwere akamupindura, akati, “Ishe, ndinoshayiwa munhu anondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda, mumwe onditangira kupinda.” Jesu akati kwaari, “Simuka, tora nhoo dzako, ufambe.” Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhoo dzake, akafamba. Musi uyo waiva weSabata. Zvino vaJudha vakati kune akaporeswa. “ISabata, hautenderwi kutakura nhoo dzako.” Iye akapindura, akati, “Uyo andiporesa ndiye akati kwandiri, tora nhoo dzako, ufambe.” Vakamubvunza, vachiti, “Ndianiko munhu uyo akati kwauri, tora nhoo dzako, ufambe?” Zvino akanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu akanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo. Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutemberi, akati kwaari, “Tarira, waporeswa; usatadzazve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi.” Zvino munhu uyo akandoudza vaJudha, kuti ndiJesu akamuporesa. Saka vaJudha vakatambudza Jesu, nokuti wakazviita izvozvo neSabata. Asi iye akapindura, akati, “Baba vangu vachabata kusvikira zvino, neni ndinobatawo.” Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuuraya, nokuti akanga asingatyori murayiro weSabata bedzi, asi akatiwo Mwari ndibaba vake, achizvienzanisa naMwari. Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo. “Nokuti baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kuna iwawa, kuti mushamiswe. Nokuti baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda kuraramisa. Nokuti nababa havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi nababa, vakamutuma. “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anonzwa shoko rangu, nokutenda akandituma, ano upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi abva murufu, aenda muupenyu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, nguva inouya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa izwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama. Nokuti baba sezvavano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana, kuti ave noupenyu maari. Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu. “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa izwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa. “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi. “Mumwe aripo anondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwechokwadi. Makatuma kuna Johani, iye akapupurira chokwadi. Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva izvozvo kuti muponeswe. Iye akanga ari mwenje unopfuta nounovheneka; imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake. Ini ndine chapupu chikuru kuna Johani; nokuti mabasa andakapiwa nababa kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti baba vakandituma. Naivo baba, vakandituma, ndivo vakandipupurirawo. Hamuna kutongonzwa izwi ravo, kana kuona mufananidzo wavo. Shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi avakatuma. Munonzvera Magwaro, nokuti munoti upenyu husingaperi munahwo maari; ndiwo anondipupurira ini. “Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve noupenyu. “Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu; asi ndinokuzivai, kuti hamuna rudo rwaMwari mukati menyu. Ndakauya nezita rababa vangu, asi hamundigamuchiri; kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye. Mungatenda seiko imi, iyemi munogamuchira kukudzwa mumwe kune mumwe, asi kukudzwa kunobva kuna Mwari, ari oga, hamukutsvaki? Musati ndichakupomerai mhosva kuna baba; mumwe ariko anokupomerai mhosva, ndiye Mosesi, wamakavimba naye. Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye akanyora zvangu. Asi kana musingatendi manyoro ake, mungatenda seiko mashoko angu?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5

Johani 5:1-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo, mutambo waʋaJuda waiʋa’po; Jesu akakwira Jerusarema. Ɀino paJerusarema pedyo nesuʋo ramakwai kwaiʋa nedziʋa rainzi Betesda neciHeberu, raiʋa namaɓiraʋira mashanu. Mukati mawo makaŋga muʋete ʋazhinji ʋairwara namapofu, neɀirema, naʋakawonyana, [ʋaigarira kubvoŋgodzwa kwemvura. Nokuti mutumŋa waiɓurukira mudziʋa iro neimŋe ŋguʋa, acibvoŋgodza mvura; ɀino uyo waitaŋga kupinda mumvura yabvoŋgodzwa waiporeswa, kunyaŋge akaŋga akaɓatwa nokurwara kupi nokupi.] Ɀino kwaiʋa’po mumŋe munhu, wakaŋga aɓatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere. Jesu wakati aʋona munhu uyo aʋete pasi, ɀaaiziʋa kuti wakaŋga akaɗaro ŋguʋa huru, akati kwaari: Unoɗa kuporeswa here? Murwere akamupindura, akati: Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziʋa, kana mvura icibvoŋgodzwa; asi ndinoti kana ndoenda, mumŋe wonditaŋgira kupinda. Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhoʋo dzako, ufambe. Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhoʋo dzake, akafamba. Musi uyo waiʋa wesaɓata. Ɀino ʋaJuda ʋakati kunowakaporeswa: isaɓata, hautenderwi kutakura nhoʋo dzako. Iye akapindura, akati: Uyo wandiporesa ndiye wakati kwandiri: Tora nhoʋo dzako, ufambe. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ndianiko munhu uyo wakati kwauri: Tora nhoʋo dzako, ufambe? Ɀino wakaŋga aporeswa, haana‐kuziʋa kuti ndiani; nokuti Jesu wakaŋga abva, ɀakwaiʋa naʋanhu ʋazhinji panɀimbo iyo. Shure kwaiɀoɀo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza ɀe, kuti urege kuɓatwa necinhu cakaipa cinokunda cici. Ɀino munhu uyo akandoʋudza ʋaJuda, kuti ndiJesu wakamuporesa. Saka ʋaJuda ʋakatambudza Jesu, nokuti wakaɀiita iɀoɀo nesaɓata. Asi iye wakapindura, akati: Ƃaɓa ʋangu ʋacaɓata kuȿikira ɀino, neni ndinoɓata ʋo. Saka ɀino ʋaJuda ʋakatȿaka ɀikuru kumuʋuraya, nokuti wakaŋga asiŋgaputsi murairo wesaɓata ɓedzi, asi wakati ʋo Mŋari ndiƂaɓa ʋake, aciɀienzanisa naMŋari. Ɀino Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mŋanakomana haagoni kuita cinhu oga, kana asiŋgaʋoni Ƃaɓa ʋaciciita; nokuti ɀose ɀaʋanoita iʋo, Mŋanakomana unoɀiita saiɀoɀo ʋo. Nokuti Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋanomuratidza ɀose ɀaʋanoita ʋamene; ʋacamuratidza maɓasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe. Nokuti Ƃaɓa sezaʋanomutsa ʋakafa, ʋaciʋararamisa, saiɀoɀo Mŋanakomana unoraramisa ʋo ʋaanoɗa kuraramisa. Nokuti naƂaɓa haʋatoŋgi munhu, asi ʋakapa Mŋanakomana kutoŋga kwose, kuti ʋose ʋakudze Mŋanakomana seɀaʋanokudza Ƃaɓa. Usiŋgakudzi Mŋanakomana, haakudzi naƂaɓa, ʋakamutuma. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko raŋgu, nokutenda wakandituma, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; haaʋuyi mukutoŋgwa, asi wabva murufu, waenda muʋupenyu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, nayo ʋakafa ʋacanzwa inzwi roMŋanakomana waMŋari; ʋanonzwa ʋacararama. Nokuti Ƃaɓa seɀaʋanoʋupenyu maʋari, saiɀoɀo ʋo ʋakapa Mŋanakomana, kuti aʋe noʋupenyu maari. Ʋakamupa simba rokutoŋga, ɀaari Mŋanakomana womunhu. Musashamiswa naiɀoɀo; nokuti ŋguʋa inoʋuya, nayo ʋose ʋari mumabgiro ʋacanzwa inzwi rake, ʋacaɓuɗa; aʋo ʋakaita ɀakanaka, kukumuka kwoʋupenyu, aʋo ʋakaita ɀakaipa, kukumuka kwokutoŋgwa. Handigoni kuita cinhu ndoga; ndinotoŋga seɀandinonzwa; kutoŋga kwaŋgu kwakarurama, nokuti handitȿaki kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kana ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu hakuzi kwaɀokwaɗi. Mumŋe uri’po unondipupurira; ndinoziʋa kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwaɀokwaɗi. Makatuma kunaJohane, iye akapupurira ɀokwaɗi. Ini handigamuciri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreʋa iɀoɀo kuti muponeswe. Iye wakaŋga ari mŋenje unopfuta nounoveneka; imi makaŋga muciɗa kufara ŋguʋa ɗuku muciedza cake. Ini ndinecapupu cikuru kunaJohane; nokuti maɓasa andakapiwa naƂaɓa kuti ndiapedze, iwo maɓasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti Ƃaɓa ʋakandituma. Naiʋo Ƃaɓa, ʋakandituma, ndiʋo ʋakandipupurira ʋo. Hamuna‐kutoŋgonzwa inzwi raʋo, kana kuʋona mufananidzo waʋo. Shoko raʋo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi waʋakatuma. Munonɀera Magwaro, nokuti munoti ʋupenyu bgusiŋgaperi munabgo maari; ndiwo anondipupurira ini. Asi hamuɗi kuʋuya kwandiri, kuti muʋe noʋupenyu. Handigamuciri kukudzwa kunobva kuʋanhu; asi ndinokuziʋai, kuti hamunoruɗo rwaMŋari mukati menyu. Ndakaʋuya nezita raƂaɓa ʋaŋgu, asi hamundigamuciri; kana mumŋe akaȿika nezita rake amene, mucamugamucira iye. Muŋgatenda seiko imi, iyemi munogamucira kukudzwa mumŋe kunomumŋe, asi kukudzwa kunobva kunaMŋari, uri oga, hamukutȿaki? Musati ndicakupomerai mhoȿa kunaƂaɓa; mumŋe uri’ko unokupomerai mhoȿa, ndiye Mosesi, wamakaʋimba naye. Nokuti ɗai maitenda Mosesi, muŋgaɗai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora ɀaŋgu. Asi kana musiŋgatendi manyoro ake, muŋgatenda seiko mashoko aŋgu?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 5