Shure kwaiɀoɀo, mutambo waʋaJuda waiʋa’po; Jesu akakwira Jerusarema.
Ɀino paJerusarema pedyo nesuʋo ramakwai kwaiʋa nedziʋa rainzi Betesda neciHeberu, raiʋa namaɓiraʋira mashanu. Mukati mawo makaŋga muʋete ʋazhinji ʋairwara namapofu, neɀirema, naʋakawonyana, [ʋaigarira kubvoŋgodzwa kwemvura. Nokuti mutumŋa waiɓurukira mudziʋa iro neimŋe ŋguʋa, acibvoŋgodza mvura; ɀino uyo waitaŋga kupinda mumvura yabvoŋgodzwa waiporeswa, kunyaŋge akaŋga akaɓatwa nokurwara kupi nokupi.] Ɀino kwaiʋa’po mumŋe munhu, wakaŋga aɓatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere. Jesu wakati aʋona munhu uyo aʋete pasi, ɀaaiziʋa kuti wakaŋga akaɗaro ŋguʋa huru, akati kwaari: Unoɗa kuporeswa here? Murwere akamupindura, akati: Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziʋa, kana mvura icibvoŋgodzwa; asi ndinoti kana ndoenda, mumŋe wonditaŋgira kupinda. Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhoʋo dzako, ufambe. Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhoʋo dzake, akafamba.
Musi uyo waiʋa wesaɓata. Ɀino ʋaJuda ʋakati kunowakaporeswa: isaɓata, hautenderwi kutakura nhoʋo dzako. Iye akapindura, akati: Uyo wandiporesa ndiye wakati kwandiri: Tora nhoʋo dzako, ufambe. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ndianiko munhu uyo wakati kwauri: Tora nhoʋo dzako, ufambe? Ɀino wakaŋga aporeswa, haana‐kuziʋa kuti ndiani; nokuti Jesu wakaŋga abva, ɀakwaiʋa naʋanhu ʋazhinji panɀimbo iyo. Shure kwaiɀoɀo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza ɀe, kuti urege kuɓatwa necinhu cakaipa cinokunda cici. Ɀino munhu uyo akandoʋudza ʋaJuda, kuti ndiJesu wakamuporesa. Saka ʋaJuda ʋakatambudza Jesu, nokuti wakaɀiita iɀoɀo nesaɓata. Asi iye wakapindura, akati: Ƃaɓa ʋangu ʋacaɓata kuȿikira ɀino, neni ndinoɓata ʋo. Saka ɀino ʋaJuda ʋakatȿaka ɀikuru kumuʋuraya, nokuti wakaŋga asiŋgaputsi murairo wesaɓata ɓedzi, asi wakati ʋo Mŋari ndiƂaɓa ʋake, aciɀienzanisa naMŋari.
Ɀino Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mŋanakomana haagoni kuita cinhu oga, kana asiŋgaʋoni Ƃaɓa ʋaciciita; nokuti ɀose ɀaʋanoita iʋo, Mŋanakomana unoɀiita saiɀoɀo ʋo. Nokuti Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋanomuratidza ɀose ɀaʋanoita ʋamene; ʋacamuratidza maɓasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe. Nokuti Ƃaɓa sezaʋanomutsa ʋakafa, ʋaciʋararamisa, saiɀoɀo Mŋanakomana unoraramisa ʋo ʋaanoɗa kuraramisa. Nokuti naƂaɓa haʋatoŋgi munhu, asi ʋakapa Mŋanakomana kutoŋga kwose, kuti ʋose ʋakudze Mŋanakomana seɀaʋanokudza Ƃaɓa. Usiŋgakudzi Mŋanakomana, haakudzi naƂaɓa, ʋakamutuma. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko raŋgu, nokutenda wakandituma, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; haaʋuyi mukutoŋgwa, asi wabva murufu, waenda muʋupenyu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, nayo ʋakafa ʋacanzwa inzwi roMŋanakomana waMŋari; ʋanonzwa ʋacararama. Nokuti Ƃaɓa seɀaʋanoʋupenyu maʋari, saiɀoɀo ʋo ʋakapa Mŋanakomana, kuti aʋe noʋupenyu maari. Ʋakamupa simba rokutoŋga, ɀaari Mŋanakomana womunhu. Musashamiswa naiɀoɀo; nokuti ŋguʋa inoʋuya, nayo ʋose ʋari mumabgiro ʋacanzwa inzwi rake, ʋacaɓuɗa; aʋo ʋakaita ɀakanaka, kukumuka kwoʋupenyu, aʋo ʋakaita ɀakaipa, kukumuka kwokutoŋgwa.
Handigoni kuita cinhu ndoga; ndinotoŋga seɀandinonzwa; kutoŋga kwaŋgu kwakarurama, nokuti handitȿaki kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kana ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu hakuzi kwaɀokwaɗi. Mumŋe uri’po unondipupurira; ndinoziʋa kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwaɀokwaɗi. Makatuma kunaJohane, iye akapupurira ɀokwaɗi. Ini handigamuciri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreʋa iɀoɀo kuti muponeswe. Iye wakaŋga ari mŋenje unopfuta nounoveneka; imi makaŋga muciɗa kufara ŋguʋa ɗuku muciedza cake. Ini ndinecapupu cikuru kunaJohane; nokuti maɓasa andakapiwa naƂaɓa kuti ndiapedze, iwo maɓasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti Ƃaɓa ʋakandituma. Naiʋo Ƃaɓa, ʋakandituma, ndiʋo ʋakandipupurira ʋo. Hamuna‐kutoŋgonzwa inzwi raʋo, kana kuʋona mufananidzo waʋo. Shoko raʋo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi waʋakatuma. Munonɀera Magwaro, nokuti munoti ʋupenyu bgusiŋgaperi munabgo maari; ndiwo anondipupurira ini. Asi hamuɗi kuʋuya kwandiri, kuti muʋe noʋupenyu. Handigamuciri kukudzwa kunobva kuʋanhu; asi ndinokuziʋai, kuti hamunoruɗo rwaMŋari mukati menyu. Ndakaʋuya nezita raƂaɓa ʋaŋgu, asi hamundigamuciri; kana mumŋe akaȿika nezita rake amene, mucamugamucira iye. Muŋgatenda seiko imi, iyemi munogamucira kukudzwa mumŋe kunomumŋe, asi kukudzwa kunobva kunaMŋari, uri oga, hamukutȿaki? Musati ndicakupomerai mhoȿa kunaƂaɓa; mumŋe uri’ko unokupomerai mhoȿa, ndiye Mosesi, wamakaʋimba naye. Nokuti ɗai maitenda Mosesi, muŋgaɗai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora ɀaŋgu. Asi kana musiŋgatendi manyoro ake, muŋgatenda seiko mashoko aŋgu?