Johani 4:31-34
Johani 4:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.” Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.” Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
Johani 4:31-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.” Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.” Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake.
Johani 4:31-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake.
Johani 4:31-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋake ʋakafano‐munyeŋgetera, ʋaciti: Rabi, cidyai. Iye akati kwaʋari: Ini ndineɀokudya, ɀandinodya, ɀamusiŋgaziʋi. Ɀino ʋadzidzi ʋakataurirana, ʋaciti: Kasi mumŋe wamuʋigira ɀokudya kanhi? Jesu akati kwaʋari: Ɀokudya ɀaŋgu ndiɀo, kuti ndiite kuɗa kwowakandituma, nokupedza ɓasa rake.
Johani 4:31-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)