Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:31-34

Johani 4:31-34 BDSC

Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.” Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.” Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.