Johani 4:13-24
Johani 4:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.” Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.” Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume. Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.” Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.” Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema. Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
Johani 4:13-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.” Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’ “Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.” Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.”
Johani 4:13-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.” Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’ Madzitateguru edu akanamata pagomo rino iri asi imi munoti: ‘MuJerusaremu ndimo munzvimbo munofanira kunamatirwa vanhu vari.’ ” Jesu akati kwaari, “Mukadzi iwe tenda zvandiri kutaura, nguva iri kuuya yamusingazonamati Baba mugomo rino iri kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi. Asi isu tinonamata chatinoziva nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate. Mwari mweya; saizvozvo, vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nomuchokwadi.”
Johani 4:13-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe. Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzoʋa nenyota, kana kuʋuya kucera pano. Jesu akati kwaari: Enda, undoɗana murume wako, ugoʋuya pano. Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handinomurume. Jesu akati kwaari: Wareʋa ɀakanaka, ɀawati: Handinomurume. Nokuti watoʋa naʋarume ʋashanu; uyo, waunaye ɀino, haazi murume wako; apo wareʋa ɀokwaɗi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoʋona kuti muri muprofita. Madziɓaɓa eɗu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti ŋguʋa inoʋuya, yamusiŋgazonamati Ƃaɓa pagomo iri, kana paJerusarema. Imi munonamata camusiŋgaziʋi; isu tinonamata catinoziʋa, nokuti ruponeso runobva kuʋaJuda. Asi ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, yokuti ʋanonamata neɀokwaɗi ʋacanamata Ƃaɓa mumŋeya neɀokwaɗi; nokuti Ƃaɓa ʋanotȿaka ʋakaɗaro kuzomunamata. Mŋari ndiMŋeya; ʋanomunamata, ʋanofanira kumunamata mumŋeya neɀokwaɗi.
Johani 4:13-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)