Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.”
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.”
Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.”
Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’
“Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.”
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.”
Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.
“Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.”