Johani 18:3-6
Johani 18:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo. Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Munotsvaka ani?” Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.) Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
Johani 18:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo. Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?” Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo. Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
Johani 18:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Judhasi akapiwa boka ramasoja namapurisa avaPristi vakuru navaFarisei. Akaenda nemwenje namazhenje nezvombo zvokurwa. Sezvo Jesu aiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari akauya kwavari akavati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Vakamupindura vachiti, “Jesu weNazareti.” Jesu ndokuti kwavari, “Ndini, Judhasi, uya akamupandukira akanga amire pamwechete navo.” Paakati kwavari, “Ndini” vakabva vadzokera neshure vakawira pasi.
Johani 18:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Judasi akatora ɓoka raʋarwi, naʋatariri, ʋaibva kuʋaprista ʋakuru naʋaFarise, akaenda’po nemŋenje namazhenje, neɀokurwa naɀo. Ɀino Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa ɀose ɀaifanira kumuwira, akaɓuɗa, akati kwaʋari: Munotȿaka aniko? Ʋakamupindura, ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akati kwaʋari: Ndini. NaJudasi, wakamupandukira, wakaŋga amire ʋo naʋo. Ɀino wakati areʋa kwaʋari, aciti: Ndini, ʋakasuɗurukira shure, ʋakawira pasi.
Johani 18:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)