Johane 18
18
Kusuŋgwa kwaJesu.
(Mat 26:47–56; Mar 14:43–50; Ruka 22:47–53)
1Jesu wakati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗa naʋadzidzi ʋake, akaenda mhiri kworukoʋa runonzi Kedroni, paiʋa nomunda, akapinda mauri, iye naʋadzidzi ʋake. 2Ɀino Judasi, wakamupandukira, wakaŋga aciziʋa ʋo nɀimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiʋuŋgana’po naʋadzidzi ʋake. 3Naiɀoɀo Judasi akatora ɓoka raʋarwi, naʋatariri, ʋaibva kuʋaprista ʋakuru naʋaFarise, akaenda’po nemŋenje namazhenje, neɀokurwa naɀo. 4Ɀino Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa ɀose ɀaifanira kumuwira, akaɓuɗa, akati kwaʋari: Munotȿaka aniko? 5Ʋakamupindura, ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akati kwaʋari: Ndini. NaJudasi, wakamupandukira, wakaŋga amire ʋo naʋo. 6Ɀino wakati areʋa kwaʋari, aciti: Ndini, ʋakasuɗurukira shure, ʋakawira pasi. 7Ɀino akaʋabvunza ɀe, aciti: Munotȿaka aniko? Ʋakati: Jesu weNazareta. 8Jesu akapindura, akati: Ndakuʋudzai, kuti ndini. Kana mucinditȿaka ini, regai aʋa ʋaende; 9kuti shoko, raakareʋa, riitike, rokuti: Handina‐kurashikirwa nomumŋe kunaiʋaʋo ʋamakandipa. 10Ɀino Simoni Petro, wakaŋga anomunondo, akauvomora, akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi. 11Ɀino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naƂaɓa, handiŋgaunwi here?
Jesu unoiswa kunaAnasi.
(Mat 26:57–68; Mar 14:53–65; Ruka 22:63–71)
12Ɀino ɓoka raʋarwi, nomukuru wecuru cezana, naʋatariri ʋaʋaJuda ʋakaɓata Jesu, ʋakamusuŋga, 13ʋakataŋga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakaŋga ari mukarabga waKayafasi, waiʋa muprista mukuru gore iro. 14Ɀino Kayafasi ndiye wakaŋga apa ʋaJuda zano, kuti ɀirinani kuti munhu mumŋe afire ʋanhu.
Kuramba kwaPetro.
(Mat 26:69–75; Mar 14:66–72; Ruka 22:54–62; Joh 18:25–27)
15Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru. 16Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro. 17Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati. 18Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto.
19Ɀino muprista mukuru akabvunza Jesu ɀaʋadzidzi ʋake, neɀokudzidzisa kwake. 20Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pacena kunyika; ndaidzidzisa ŋguʋa dzose mumasinagoge nomutembere, panoʋuŋgana ʋaJuda ʋose; handina‐kureʋa cinhu pakaʋanda. 21Munondibvunzireiko ini? bvunzai aʋa ʋainzwa ɀandaitaura kwaʋari; tarirai, aʋa ʋanoziʋa ɀandaireʋa. 22Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe waʋatariri, wakaŋga amire’po, akaroʋa Jesu noruʋoko, aciti: Unopindura muprista mukuru uciɗaro nhai? 23Jesu akamupindura, akati: Kana ndareʋa ɀakaipa, pupura kuti ɀakaipa ndeɀipi; kana ndareʋa ɀakanaka, wagondiroʋereiko? 24Ɀino Anasi akamutumira akasuŋgwa kunaKayafasi, muprista mukuru.
25Ɀino Simoni Petro wakaŋga amire’po, acidziya mŋoto. Ʋakati kwaari: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋake here? Akaramba, akati: Handizati. 26Mumŋe muranda womuprista mukuru, hama yowakaŋga agurwa nzeʋe naPetro, akati: Ini handina‐kukuʋona unaye mumunda here? 27Petro akaramba ɀe. Pakarepo joŋgwe rikarira.
Jesu pamberi paPirato.
(Mat 27:1, 2, 11–31; Mar 15:1–20; Ruka 23:1–25)
28Ɀino ʋakabva kunaKayafasi, ʋakaenda naJesu kuimba yomuɓati; aiʋa maŋgwanani. Asi iʋo haʋana‐kupinda mumba momuɓati, kuti ʋarege kuȿiɓiswa, kuti ʋagodya paseka. 29Ipapo Pirato akaɓuɗira kwaʋari, akati: Munoti, munhu uyu unemhoȿa yeiko? 30Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƌai munhu uyu asaiʋa mutadzi, tiŋgaɗai tisina‐kumuisa kwamuri. 31Ɀino Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumutoŋge nomurairo wenyu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Hatina‐kutenderwa isu kuti tiʋuraye munhu; 32kuti shoko raJesu raakareʋa riitike, aciɗudzira kufa kwaaifanira kufa nako.
33Ɀino Pirato akapinda ɀe mumba momuɓati, akaɗana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo waʋaJuda here? 34Jesu akapindura, akati: Unoɀireʋa iɀi pacako here, kana waɀiʋudzwa naʋamŋe pamsoro paŋgu? 35Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJuda su? Rudzi rwako naʋaprista ʋakuru ʋakakuisa kwandiri; waiteiko? 36Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano. 37Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu. 38Pirato akati kwaari: Ɀokwaɗi cinyiko?
Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗira ɀe kuʋaJuda, akati kwaʋari: Ini handiwani mhoȿa kwaari. 39Asi imi munetsika kuti ndikusunuŋgurirei mumŋe nepaseka; ɀino munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei mambo waʋaJuda here? 40Ipapo ʋakaɗanidzira ʋose, ʋaciti: Munhu uyu kwete, asi Barabasi! Ɀino Barabasi wakaŋga ari gororo.
Zvasarudzwa nguva ino
Johane 18: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018