Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 18:24-40

Johani 18:24-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru. Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.” Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?” Pita akarambazve; ipapo jongwe ndokubva rakukuridza. Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika. Naizvozvo Pirato akaenda kwavari akati, “Imhosvaiko yamunoti yakaparwa nomunhu uyu?” Vakamupindura vachiti, “Dai munhu uyu anga asina mhosva, tingadai tisina kumuturira kwamuri.” Pirato akavati, “Chimutoraika iyemi mundomutonga maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Isu hatibvumirwi kuuraya munhu.” Izvi zvaiva zvokuzadzisa zvakanga zvambotaurwa naJesu zvokuti aizofa norufu rwakaita sei? Pirato akapindazve mumuzinda akadaidza Jesu akati kwaari, “Iwe uri mambo wavaJudha here iwe?” Jesu akapindura achiti, “Izvi zviri kubva mupfungwa dzenyu here kana kuti matotaurirwa navamwe nezvangu?” Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.” Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akabva amuti, “Chokwadi chii?” Paakapedza kutaura izvi akaendazve kuvaJudha akavataurira kuti, “Ini handioni mhosva yaanayo asi imi munetsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu mumwechete paPasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Kwete munhu uyu asi Bharabhasi,” zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:24-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru. Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.” Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?” Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira. Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika. Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?” Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.” Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.” Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe. Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?” Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?” Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.” Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.” Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu. Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?” Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:24-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kaifasi, mupristi mukuru. Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.” Mumwe muranda womupristi mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?” Petirosi akarambazve. Pakarepo jongwe rikarira. Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika. Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati, “Munoti, munhu uyu ane mhosva yeiko?” Vakapindura, vakati kwaari, “Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.” Zvino Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu;” kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako. Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura, akati, “Unozvireva izvi pachako here, kana wazviudzwa navamwe pamusoro pangu?” Pirato akapindura, akati, “Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navapristi vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?” Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.” Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akati kwaari, “Chokwadi chinyiko?” Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari, “Ini handiwani mhosva kwaari. Asi imi mune tsika kuti ndikusunungurirei mumwe nePasika; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” Ipapo vakadanidzira vose, vachiti, “Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:24-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru. Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.” Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?” Pita akarambazve; ipapo jongwe ndokubva rakukuridza. Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika. Naizvozvo Pirato akaenda kwavari akati, “Imhosvaiko yamunoti yakaparwa nomunhu uyu?” Vakamupindura vachiti, “Dai munhu uyu anga asina mhosva, tingadai tisina kumuturira kwamuri.” Pirato akavati, “Chimutoraika iyemi mundomutonga maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Isu hatibvumirwi kuuraya munhu.” Izvi zvaiva zvokuzadzisa zvakanga zvambotaurwa naJesu zvokuti aizofa norufu rwakaita sei? Pirato akapindazve mumuzinda akadaidza Jesu akati kwaari, “Iwe uri mambo wavaJudha here iwe?” Jesu akapindura achiti, “Izvi zviri kubva mupfungwa dzenyu here kana kuti matotaurirwa navamwe nezvangu?” Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.” Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akabva amuti, “Chokwadi chii?” Paakapedza kutaura izvi akaendazve kuvaJudha akavataurira kuti, “Ini handioni mhosva yaanayo asi imi munetsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu mumwechete paPasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Kwete munhu uyu asi Bharabhasi,” zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:24-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Anasi akamutumira akasuŋgwa kunaKayafasi, muprista mukuru. Ɀino Simoni Petro wakaŋga amire’po, acidziya mŋoto. Ʋakati kwaari: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋake here? Akaramba, akati: Handizati. Mumŋe muranda womuprista mukuru, hama yowakaŋga agurwa nzeʋe naPetro, akati: Ini handina‐kukuʋona unaye mumunda here? Petro akaramba ɀe. Pakarepo joŋgwe rikarira. Ɀino ʋakabva kunaKayafasi, ʋakaenda naJesu kuimba yomuɓati; aiʋa maŋgwanani. Asi iʋo haʋana‐kupinda mumba momuɓati, kuti ʋarege kuȿiɓiswa, kuti ʋagodya paseka. Ipapo Pirato akaɓuɗira kwaʋari, akati: Munoti, munhu uyu unemhoȿa yeiko? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƌai munhu uyu asaiʋa mutadzi, tiŋgaɗai tisina‐kumuisa kwamuri. Ɀino Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumutoŋge nomurairo wenyu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Hatina‐kutenderwa isu kuti tiʋuraye munhu; kuti shoko raJesu raakareʋa riitike, aciɗudzira kufa kwaaifanira kufa nako. Ɀino Pirato akapinda ɀe mumba momuɓati, akaɗana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo waʋaJuda here? Jesu akapindura, akati: Unoɀireʋa iɀi pacako here, kana waɀiʋudzwa naʋamŋe pamsoro paŋgu? Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJuda su? Rudzi rwako naʋaprista ʋakuru ʋakakuisa kwandiri; waiteiko? Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano. Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu. Pirato akati kwaari: Ɀokwaɗi cinyiko? Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗira ɀe kuʋaJuda, akati kwaʋari: Ini handiwani mhoȿa kwaari. Asi imi munetsika kuti ndikusunuŋgurirei mumŋe nepaseka; ɀino munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei mambo waʋaJuda here? Ipapo ʋakaɗanidzira ʋose, ʋaciti: Munhu uyu kwete, asi Barabasi! Ɀino Barabasi wakaŋga ari gororo.