Johani 18:15-18
Johani 18:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru, asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati. Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handisi.” Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto.
Johani 18:15-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi. Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.” Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto.
Johani 18:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto.
Johani 18:15-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru. Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro. Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati. Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto.
Johani 18:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)