Johani 18:13-24
Johani 18:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu. Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru, asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati. Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handisi.” Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto. Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake. Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande. Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.” Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?” Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?” Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru.
Johani 18:13-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro. Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose. Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi. Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.” Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto. Zvino mupristi mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nezvokudzidzisa kwake. Jesu akamupindura, akati, “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutemberi, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda. “Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.” Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?” Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kaifasi, mupristi mukuru.
Johani 18:13-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakatanga vaenda naye kuna Anasi nokuti aiva tezvara waKaifasi akanga ari Mupristi mukuru gore iroro. Kaifasi ndiye uya akanga ambopa zano kuvaJudha rokuti zviri nani kuti munhu mumwechete afire vanhu. Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto. Mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvavadzidzi vake uye nezvedzidziso cyake. Jesu akamupindura achiti, “Inga ndaitaura pachena kupasi pose, ndaidzidzisa mumasinagogu nomuTemberi munounganwa navaJudha vose. Hapana chandakataura pachivande. Ko munobvunzirei ini. Dai matobvunza zvenyu vakandinzwa ndichitaura kwavari. Ivo vanoziva zvandaireva kwavari.” Paakataura izvi mumwe mupurisa akanga amire padyo, akarova Jesu nembama achiti, “Ndiko kupindura kwaungaite mupristi mukuru ikoko?” Jesu akamupindura achiti, “Kana pane chandatadza mukutaura kwandaita tiudze chandakanganisa. Ko kana ndataura zvakanaka wagondirovereiko?” Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru.
Johani 18:13-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋakataŋga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakaŋga ari mukarabga waKayafasi, waiʋa muprista mukuru gore iro. Ɀino Kayafasi ndiye wakaŋga apa ʋaJuda zano, kuti ɀirinani kuti munhu mumŋe afire ʋanhu. Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru. Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro. Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati. Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto. Ɀino muprista mukuru akabvunza Jesu ɀaʋadzidzi ʋake, neɀokudzidzisa kwake. Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pacena kunyika; ndaidzidzisa ŋguʋa dzose mumasinagoge nomutembere, panoʋuŋgana ʋaJuda ʋose; handina‐kureʋa cinhu pakaʋanda. Munondibvunzireiko ini? bvunzai aʋa ʋainzwa ɀandaitaura kwaʋari; tarirai, aʋa ʋanoziʋa ɀandaireʋa. Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe waʋatariri, wakaŋga amire’po, akaroʋa Jesu noruʋoko, aciti: Unopindura muprista mukuru uciɗaro nhai? Jesu akamupindura, akati: Kana ndareʋa ɀakaipa, pupura kuti ɀakaipa ndeɀipi; kana ndareʋa ɀakanaka, wagondiroʋereiko? Ɀino Anasi akamutumira akasuŋgwa kunaKayafasi, muprista mukuru.
Johani 18:13-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)