Johani 16:16-33
Johani 16:16-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.” Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?” Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.” Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’? Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro. Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika. Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu. Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara. “Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu. Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu. Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba.” Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo. Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.” Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino? Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni. “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”
Johani 16:16-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.” Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’ Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro. “Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu. “Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike. “Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvababa. “Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna baba; nokuti baba vemene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kuna baba. Ndakabva kuna baba, ndikauya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kuna baba.” Vadzidzi vake vakati, “Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo. Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda izvozvi kuti makabva kuna Mwari.” Jesu akavapindura akati, “Motenda zvino here? Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake mukandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti baba vaneni. Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”
Johani 16:16-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni kozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.” Vamwe vadzidzi vakataurirana vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?” Vakati, “Anoreveiko nezvaanoti, ‘Kwasara chinguva chiduku.’ Hatizive zvaanoreva.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza. Naizvozvo akati kwavari, “Muri kubvunzana zvandanga ndichireva here ndichiti, ‘Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni. Kwozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.’ Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri muchachema nokuungudza asi pasi pari mumafaro. Imi muchasuruvara asi kusuruvara kwenyu kuchasanduka kuchiva kufara. Kana munhukadzi ava kusununguka anorwadziwa, nokuti nguva yake inenge yasvika asi kana asununguka mwana, haazoyeuka kurwadziwa kuya norufaro rwokuti munyika maberekwa munhu. Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino asi ndichakuonaizve. Ipapo mwoyo yenyu ichafara hapana anozokutorerai rufaro rwenyu. Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai. Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare. “Ndanga ndichitaura izvi kwamuri namadimikira nguva iri kuuya yandinenge ndisingazotauri kwamuri namadimikira yandinenge ndokutaurirai zviri pachena nezvaBaba. Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu; handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba. Aiwa! Ivo Baba pachavo vanokudai nokuti imi makandida uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Ini ndakabva kuna Baba ndikauya pasi pano asi zvavapo ndezvokuti ndava kubva pasi ndichienda kuna Baba.” Vadzidzi vake vakati, “Hamuchionaka! Mavakutaura zviri pachena kwete namadimikira. Zvino tava kuziva kuti munoziva zvose uye kuti hamumiriri kuti munhu atange akubvunzai; nezvo tava kutenda kuti makabva kuna Mwari.” Jesu akavapindura achiti, “Zvino mava kutenda nhai? Nguva iri kuuya uye yatosvika pamuchati mwarara, mumwe nomumwe achienda kwake muchindisiya ndiri ndoga asi ndinenge ndisiri ndoga nokuti Baba vaneni. Ndakutaurirai izvi kuti muwane rugare mandiri. Pasi pano muchava namatambudziko asi tsungai mwoyo ndakakunda pasi.”
Johani 16:16-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona. Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa? Naiɀoɀo ʋakati: Cinyiko caanoti: Casara ciŋguʋa ciɗuku? Hatiziʋi caanotaura. Jesu akaziʋa kuti ʋanoɗa kumubvunza, akati kwaʋari: Munobvunzana here pamsoro pecinhu ici candareʋa, ndiciti: Casara ciŋguʋa ciɗuku, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucarira nokucema imi, asi nyika icafara; imi mucanzwa shuŋgu, asi shuŋgu dzenyu dzicashanduka mufaro. Mukadzi kana acipona, unonzwa shuŋgu, nokuti ŋguʋa yake yaȿika; asi kana apona mŋana, haacafuŋgi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika. Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu. Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu. Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike. Iɀi ndakataura kwamuri nemifananidzo, ŋguʋa inoʋuya yandisiŋgazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndicakuparidzirai pacena ɀaƂaɓa. Nezuʋa iro mucakumbira muzita raŋgu; handikuʋudziyi, kuti ndicakunyeŋgeterera ini kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋamene ʋanokuɗai, nokuti makandiɗa ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaƂaɓa. Ndakabva kunaƂaɓa, ndikaʋuya panyika; ndinobva ɀe panyika, ndicienda kunaƂaɓa. Ʋadzidzi ʋake ʋakati: Tarirai, ɀino motaura pacena, hamucareʋi nemifananidzo. Ɀino toziʋa, kuti munoziʋa ɀose, hamutȿaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naiɀoɀi kuti makabva kunaMŋari. Jesu akaʋapindura, akati: Motenda ɀino here? Tarirai, ŋguʋa inoʋuya, yatoȿika, yamucaparadzirwa, mumŋe nomumŋe kuneɀake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Ƃaɓa ʋaneni. Ndakareʋa iɀoɀi kwamuri, kuti muʋe norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsuŋgai mŋoyo, ini ndakakunda nyika.
Johani 16:16-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)