Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 16:16-33

Johani 16:16-33 SNA2002

“Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.” Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’ Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro. “Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu. “Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike. “Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvababa. “Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna baba; nokuti baba vemene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kuna baba. Ndakabva kuna baba, ndikauya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kuna baba.” Vadzidzi vake vakati, “Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo. Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda izvozvi kuti makabva kuna Mwari.” Jesu akavapindura akati, “Motenda zvino here? Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake mukandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti baba vaneni. Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”

Verenga chikamu Johani 16