Johani 15:13-15
Johani 15:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
Johani 15:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake. Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini. Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naishe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna baba vangu, ndakakuzivisai izvo.
Johani 15:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokuudzai. Handicharamba ndichikutii varanda nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake asi ndava kukutii shamwari nokuti ndakakuzivisai zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.
Johani 15:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake. Im muri hama dzaŋgu, kana muciita ɀandinokurairai ini. Handicakuidziyi ʋaranda; nokuti muranda haaziʋi ɀinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti ɀose ɀandakanzwa kunaƂaɓa ʋaŋgu, ndakakuziʋisai iɀo.
Johani 15:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)