Johani 15:11-13
Johani 15:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
Johani 15:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake.
Johani 15:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare. “Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita. Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake.
Johani 15:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murairo waŋgu, kuti muɗane, seni ndakakuɗai imi. Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake.
Johani 15:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare. “Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita. Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake.