Johani 11:1-44
Johani 11:1-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.” Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.” Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.” Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?” Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.” Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.” Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.” Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo. Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa, uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.” Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.” Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.” Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko. Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika. Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?” Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.” Jesu akachema. Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!” Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kuita kuti munhu uyu arege kufa?” Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro. Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo.” Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.” Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
Johani 11:1-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe munhu wakanga achirwara, ainzi Razaro weBhetania, musha waMaria nomukoma wake Marita. Ndiye Maria uya, akazodza Ishe namafuta, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, akanga achirwara. Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti, “Ishe, tarirai uyo anodikanwa nemi anorwara.” Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.” Jesu akanga achida Marita, nomun'un'una wake, naRazaro. Zvino akati anzwa kuti anorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari. Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake, “Hendeizve Judhea.” Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?” Jesu akapindura, akati, “Nguva hadzisi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.” Ndizvozvo zvaakareva, akazoti kwavari, “Razaro, hama yedu, avata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” Zvino vadzidzi vakati kwaari, “Ishe, kana achivata, achanaya.” Jesu akanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti anoreva kuvata hope. Ipapo Jesu akavaudza pachena, “Razaro afa. Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.” Ipapo Tomasi, ainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi, “Hendei nesuo, kuti tindofa naye.” Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo. Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama. “Mumwe nomumwe ari mupenyu, anotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo ainzi anouya panyika.” Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.” Iye akati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. (Zvino Jesu akanga asati asvika pamusha, asi akanga achiri paya paakachingamidzwa naMarita.) Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako. Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati, “Mamuisepiko?” Vakati kwaari, “Ishe, uyai muone.” Jesu akachema misodzi. Ipapo vaJudha vakati, “Tarirai, aimuda sei!” Asi vamwe vavo vakati, “Uyu akasvinudza meso ebofu, haasaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here?” Ipapo Jesu akafazve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe!” Marita, hanzvadzi yoakafa, akati kwaari, “Ishe, otonhuwa zvino, nokuti ava namazuva mana okufa kwake.” Jesu akati kwaari, “Handina kukuudza here, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Ipapo vakabvisa ibwe. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati, “Baba, ndinovongai, nokuti mandinzwa. Asi ndakanga ndichiziva, kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.” Akati areva izvozvo, akadanidzira nezwi guru, akati, “Razaro, buda!” Akanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yomubwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Musunungurei, aende.”
Johani 11:1-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwaiva nomumwe murume airwara ainzi Razaro wekuBhetania, mumusha waigara Maria nomukoma wake Marita. Maria ndiye uya akambozora Jesu namafuta akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Ndiye ane hanzvadzi yake Razaro airwara. Hanzvadzi dzake dzakatuma shoko rokuti, “Tenzi mudikanwi wenyu kuno warwara.” Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.” Jesu aida Marita nomunun'una wake naRazaro. Paakanzwa kuti ari kurwara akagara mamwe mazuva maviri kwaakanga ari ikoko. Mushure maizvozvi akati kuna vadzidzi, “Handei zvakare kuJudhea.” Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?” Jesu akapindura achiti, “Handiti zuva rina maawa gumi namaviri here? Aninani anofamba masikati haagumburwi nokuti anenge achiona chiedza chapasi. Asi munhu anofamba murima anoguhunwa nokuti maari hamuna mwenje.” Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Tenzi kana kuri kuti avata achanaya.” Ipapo Jesu ainge achitaura nezvorufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aireva kuvata hope chaidzo. Jesu ndokuzovataurira pachena kuti “Razaro wafa. Nokuda kwenyu ndinofara kuti ndakanga ndisiko kuti mudavire. Zvino ngatichiendai kwaari.” Tomasi anonzi, Mapatya akati kuna vamwe vake, vadzidzi “Handeiwo tindofa naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu. Munhu anogara akabatana neni uye anotenda mandiri haazombofa. Unotenda here izvi?” Akati kwaari, “Hongu, Tenzi chokwadi ndinotenda kuti ndimi Mesia. Mwanakomana waMwari anonzi achauya pasi pano.” Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.” Paakazvinzwa akabva asimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Ipapo Jesu akanga asati apinda mumusha iwoyo. Akanga achiri paya paakachingurana naMarita. Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako. Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika. Akati, “Makandomuradza kupi?” Vakati kwaari, “Tenzi, uyai muone zvenyu.” Jesu akachema. VaJudha vakati, “Tarisai muone kumuda kwaaiita.” Vamwewo vakati, “Ko iye akasvinudza bofu maziso aitadza here kudzivirira munhu uyu kufa.” Jesu akashungurudzwazve mumwoyo zvakanyanya ndokubva asvika paguva rakanga riri bako rine ibwe pamuromo paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomufi, yakati kwaari, “Tenzi paari otonhuhwa nokuti atova namazuva mana akafa.” Jesu akati kwaari, “Handina here kumbokutaurira kuti ukatenda uchaona mbiri yaMwari.” Nokudaro vakabvisa ibwe riya. Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokutendai nokuti mandinzwa. Ndinoziva kuti munondinzwa nguva dzose. Asi ndataura izvi kuitira vanhu vamire pano ava, vadavire kuti makandituma.” Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.”
Johani 11:1-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe munhu wakaŋga acirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta. Ndiye Maria uya, wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; hanɀadzi yake Razaro, wakaŋga acirwara. Ɀino hanɀadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dziciti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara. Jesu wakati aɀinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mŋari akudzwe, noMŋanakomana waMŋari akudzwe ʋo naɀo. Jesu wakaŋga aciɗa Marta, nomunuŋuna wake, naRazaro. Ɀino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuʋa maʋiri paakaŋga ari. Shure kwaiɀoɀo akati kuʋadzidzi ʋake: Hendei ɀe Judea. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Rabi, ʋaJuda ʋakaŋga ʋacikutȿakai ikoɀino, kuti ʋakutakei namabge; ɀino moenda ɀe ikoko here? Jesu akapindura, akati: Ŋguʋa hadzizi gumi nembiri pazuʋa here? Kana munhu acifamba masikati, haagumburwi, nokuti unoʋona ciedza cenyika ino. Asi kana munhu acifamba ʋusiku, unogumburwa, nokuti hakuneciedza maari. Ndiɀoɀo ɀaakareʋa, akazoti kwaʋari: Razaro, hama yeɗu, waʋata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope. Ɀino ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ishe, kana aciʋata, ucanaya. Jesu wakaŋga areʋa kufa kwake, asi iʋo ʋakaŋga ʋaciti, unoreʋa kuʋata hope. Ipapo Jesu akaʋaʋudza pacena: Razaro wafa. Ndinofara nokuɗa kwenyu, kuti ndakaŋga ndisi’po, kuti mugotenda; asi ɀino hendei kwaari. Ipapo Tomasi, wainzi Didimo, akati kunaʋamŋe ʋadzidzi: Hendei nesu ʋo, kuti tindofa naye. Ɀino Jesu wakati aciȿika, akamuwana atoʋa mubgiro mazuʋa manna. Betania rakaŋga riri pedyo neJerusarema, mastadia aneŋge gumi namashanu; ʋazhinji ʋaʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMarta naMaria, kuti ʋaʋaɓate ruʋoko pamsoro pehanɀadzi yaʋo. Ɀino Marta wakati acinzwa kuti Jesu woʋuya, akaenda kundomuciŋgamidza; asi Maria wakagara mumba. Marta akati kunaJesu: Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. Kunyaŋge ɀino ndinoziʋa, kuti ɀose ɀamunokumbira kunaMŋari, Mŋari ucakupai. Jesu akati kwaari: Hanɀadzi yako icamuka ɀe. Marta akati kwaari: Ndinoziʋa kuti ucamuka ɀe pakumuka nezuʋa rokupedzisira. Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noʋupenyu; unotenda kwandiri, kunyaŋge akafa, ucararama. Mumŋe nomumŋe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haaŋgatoŋgofi. Unotenda iɀoɀo here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mŋanakomana waMŋari, uyo wainzi unoʋuya panyika. Wakati areʋa iɀoɀo, akandoɗana Maria, munuŋuna wake, akati kwaari ʋari ʋoga: Mudzidzisi waȿika, unokuɗana. Iye wakati aciɀinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. (Ɀino Jesu wakaŋga asati aȿika pamusha, asi wakaŋga aciri paya paakaciŋgamidzwa naMarta.) Ɀino ʋaJuda, ʋakaŋga ʋari mumba naye ʋacimuɓata ruʋoko, ʋakati ʋaciʋona Maria acikurumidza kusimuka aciɓuɗa, ʋakamuteʋera, ʋaciti, unoenda kubgiro kundocema’ko. Ɀino Maria wakati aciȿika kunaJesu, acimuʋona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. Ɀino Jesu wakati acimuʋona acicema, naʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacicema ʋo, akafa neshuŋgu mumŋeya, akatambudzika, akati: Mamuisepiko? Ʋakati kwaari: Ishe, ʋuyai, muʋone. Jesu akacema misodzi. Ipapo ʋaJuda ʋakati: Tarirai, waimuɗa sei! Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Uyu wakaȿinudza meso eɓofu, haazaigona kudziʋisa kuti uyu munhu arege kufa here? Ipapo Jesu akafa ɀe neshuŋgu mukati make, akaȿika pabgiro. Iro raiʋa ɓako, nebge rakaŋga riri pamsoro paro. Jesu akati: Bvisai ibge! Marta, hanɀadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa ɀino, nokuti waʋa namazuʋa manna okufa kwake. Jesu akati kwaari: Handina‐kukuʋudza here, kuti kana ukatenda, ucaʋona kubginya kwaMŋari? Ipapo ʋakabvisa ibge. Ɀino Jesu akatarira kuɗeŋga, akati: Ƃaɓa, ndinokuʋoŋgai, nokuti mandinzwa. Asi ndakaŋga ndiciziʋa, kuti munosindinzwa ŋguʋa dzose; asi ndakaɀireʋa nokuɗa kwaʋazhinji ʋakandikomba, kuti ʋatende kuti makandituma. Wakati areʋa iɀoɀo, akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, ɓuɗa! Wakaŋga afa akaɓuɗa, akapombga makumbo namaʋoko nemiceka yobgiro, neciso cake cakapombga nomuceka. Jesu akati kwaʋari: Mumusunuŋgurei, aende.
Johani 11:1-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)