Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:1-44

Johani 11:1-44 SCLBD

Kwaiva nomumwe murume airwara ainzi Razaro wekuBhetania, mumusha waigara Maria nomukoma wake Marita. Maria ndiye uya akambozora Jesu namafuta akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Ndiye ane hanzvadzi yake Razaro airwara. Hanzvadzi dzake dzakatuma shoko rokuti, “Tenzi mudikanwi wenyu kuno warwara.” Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.” Jesu aida Marita nomunun'una wake naRazaro. Paakanzwa kuti ari kurwara akagara mamwe mazuva maviri kwaakanga ari ikoko. Mushure maizvozvi akati kuna vadzidzi, “Handei zvakare kuJudhea.” Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?” Jesu akapindura achiti, “Handiti zuva rina maawa gumi namaviri here? Aninani anofamba masikati haagumburwi nokuti anenge achiona chiedza chapasi. Asi munhu anofamba murima anoguhunwa nokuti maari hamuna mwenje.” Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Tenzi kana kuri kuti avata achanaya.” Ipapo Jesu ainge achitaura nezvorufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aireva kuvata hope chaidzo. Jesu ndokuzovataurira pachena kuti “Razaro wafa. Nokuda kwenyu ndinofara kuti ndakanga ndisiko kuti mudavire. Zvino ngatichiendai kwaari.” Tomasi anonzi, Mapatya akati kuna vamwe vake, vadzidzi “Handeiwo tindofa naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu. Munhu anogara akabatana neni uye anotenda mandiri haazombofa. Unotenda here izvi?” Akati kwaari, “Hongu, Tenzi chokwadi ndinotenda kuti ndimi Mesia. Mwanakomana waMwari anonzi achauya pasi pano.” Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.” Paakazvinzwa akabva asimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Ipapo Jesu akanga asati apinda mumusha iwoyo. Akanga achiri paya paakachingurana naMarita. Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako. Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika. Akati, “Makandomuradza kupi?” Vakati kwaari, “Tenzi, uyai muone zvenyu.” Jesu akachema. VaJudha vakati, “Tarisai muone kumuda kwaaiita.” Vamwewo vakati, “Ko iye akasvinudza bofu maziso aitadza here kudzivirira munhu uyu kufa.” Jesu akashungurudzwazve mumwoyo zvakanyanya ndokubva asvika paguva rakanga riri bako rine ibwe pamuromo paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomufi, yakati kwaari, “Tenzi paari otonhuhwa nokuti atova namazuva mana akafa.” Jesu akati kwaari, “Handina here kumbokutaurira kuti ukatenda uchaona mbiri yaMwari.” Nokudaro vakabvisa ibwe riya. Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokutendai nokuti mandinzwa. Ndinoziva kuti munondinzwa nguva dzose. Asi ndataura izvi kuitira vanhu vamire pano ava, vadavire kuti makandituma.” Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.”

Verenga chikamu Johani 11