Johani 1:35-43
Johani 1:35-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!” Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?” Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi. Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu). Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro). Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
Johani 1:35-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ava mangwanazve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisisa Jesu achifamba, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari!” Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko? Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi. Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”) Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.” Ava mangwana akada kuenda Gariria, akawana Firipi; Jesu akati kwaari, “Nditevere.”
Johani 1:35-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ramangwana rachozve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisa Jesu achifamba akati, “Tarisai muone Hwayana yaMwari.” Vadzidzi vaviri vaya vakamunzwa achitaura izvi vakabva vatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?” Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi. Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.” Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita). Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.”
Johani 1:35-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aʋa maŋgwana ɀe Johane wakaŋga amire naʋadzidzi ʋake ʋaʋiri; akatarisisa Jesu acifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari! Iʋaʋo ʋadzidzi ʋaʋiri, ʋakamunzwa acitaura, ʋakateʋera Jesu. Jesu akatendeʋuka akaʋaʋona ʋaciteʋera, akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rabi (ndokuti Mudzidzisi, kana ɀicishandurwa), munogarepiko? Akati kwaʋari: Ʋuyai, muʋone. Ʋakaenda, ʋakandoʋona kwaaigara, ʋakagara naye zuʋa iro; yakaŋga iri ŋguʋa ineŋge yegumi. Mumŋe waiʋaʋo ʋaʋiri, ʋakaŋga ʋanzwa Johane, ʋakamuteʋera, waiʋa Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro. Iye akataŋga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana ɀicishandurwa). Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mŋanakomana waJona, ucanzi Kefasi (ɀinoshandurwa, ɗombo). Aʋa maŋgwana akaɗa kuenda Garirea, akawana Firipo; Jesu akati kwaari: Nditeʋere.
Johani 1:35-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)