Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:35-43

Johani 1:35-43 SNA2002

Ava mangwanazve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisisa Jesu achifamba, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari!” Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko? Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi. Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”) Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.” Ava mangwana akada kuenda Gariria, akawana Firipi; Jesu akati kwaari, “Nditevere.”

Verenga chikamu Johani 1