Jeremia 7:21-26
Jeremia 7:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, “Wanziridzai zvenyu iyo mipiro yenyu yokupisa kututsira zvibayiro zvenyu muchidya nyama dzacho. Chiripo ndechokuti musi wandakavaburitsa munyika yeIjipiti, handina ini kutaurira madzitateguru enyu kana kuvapa somurao nezvemipiro yokupisa kana nezvezvibayiro. Asi chandakavapa somutemo ndechichi chokuti, “Teererai zvandinoreva ini ndichava Mwari wenyu imi muchava vanhu vangu mufambe nenzira dzandakareva kuti zvikunakirei. Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatotevedza zvomusoro wavo nemwoyo yavo yakapanduka yakaipa vakadzokera shure kunze kwokuti vatoenda mberi. Kubvira zuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi, ndanga ndichingovatumira varanda vangu vose vaporofita mangwana mangwana. Asi havana kumbonditeerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatoomesa musoro vakatoita zvakaipa kupinda madzibaba avo.
Jeremia 7:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu! Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri. Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi. Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve. Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’

Jeremia 7:21-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, “Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibayiro zvenyu, mudye nyama yazvo. Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibayiro; asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, ‘Tererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.’ Asi havana kuterera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemwoyo yavo, vakadzokera shure; havana kupfuura mberi. Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma; kunyange zvakadaro, havana kunditerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.
Jeremia 7:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, “Wanziridzai zvenyu iyo mipiro yenyu yokupisa kututsira zvibayiro zvenyu muchidya nyama dzacho. Chiripo ndechokuti musi wandakavaburitsa munyika yeIjipiti, handina ini kutaurira madzitateguru enyu kana kuvapa somurao nezvemipiro yokupisa kana nezvezvibayiro. Asi chandakavapa somutemo ndechichi chokuti, “Teererai zvandinoreva ini ndichava Mwari wenyu imi muchava vanhu vangu mufambe nenzira dzandakareva kuti zvikunakirei. Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatotevedza zvomusoro wavo nemwoyo yavo yakapanduka yakaipa vakadzokera shure kunze kwokuti vatoenda mberi. Kubvira zuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi, ndanga ndichingovatumira varanda vangu vose vaporofita mangwana mangwana. Asi havana kumbonditeerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatoomesa musoro vakatoita zvakaipa kupinda madzibaba avo.
Jeremia 7:21-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Wedzerai ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa paɀiɓayiro ɀenyu, mudye nyama yaɀo. Nokuti handina‐kutaura namadziɓaɓa enyu, kana kuʋaraira paŋguʋa yandakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita pamsoro peɀipiriso ɀinopiswa kana ɀiɓayiro; asi ndakaʋaraira cinhu ici, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu, ndigoʋa Mŋari wenyu, nemi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu; mufambe nenzira yose yandicakurairai, mugoʋa nomufaro. Asi haʋana‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo, asi ʋakafamba nokuraŋgarira kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, ʋakadzokera shure; haʋana‐kupfuʋura mberi. Kubvira pazuʋa rokuɓuɗa kwamadziɓaɓa enyu munyika yeEgipita, kuȿikira pazuʋa ranhasi, ndakakutumirai ʋaranda ʋaŋgu ʋose ʋaprofita, ndicifumira maŋgwanani zuʋa rimŋe nerimŋe ndiciʋatuma; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋana‐kunditerera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo, asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo; ʋakaita ɀakaipa kukunda madziɓaɓa aʋo.