Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Wedzerai ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa paɀiɓayiro ɀenyu, mudye nyama yaɀo. Nokuti handina‐kutaura namadziɓaɓa enyu, kana kuʋaraira paŋguʋa yandakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita pamsoro peɀipiriso ɀinopiswa kana ɀiɓayiro; asi ndakaʋaraira cinhu ici, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu, ndigoʋa Mŋari wenyu, nemi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu; mufambe nenzira yose yandicakurairai, mugoʋa nomufaro. Asi haʋana‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo, asi ʋakafamba nokuraŋgarira kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, ʋakadzokera shure; haʋana‐kupfuʋura mberi. Kubvira pazuʋa rokuɓuɗa kwamadziɓaɓa enyu munyika yeEgipita, kuȿikira pazuʋa ranhasi, ndakakutumirai ʋaranda ʋaŋgu ʋose ʋaprofita, ndicifumira maŋgwanani zuʋa rimŋe nerimŋe ndiciʋatuma; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋana‐kunditerera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo, asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo; ʋakaita ɀakaipa kukunda madziɓaɓa aʋo.
Verenga chikamu Jeremia 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 7:21-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo