Jeremia 42:11-12
Jeremia 42:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake. Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’
Jeremia 42:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake. Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
Jeremia 42:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make. Ndichakunzwirai ngoni kuti iye agokuitiraiwo tsiye nyoro kuti mugare munyika yenyu chaiyo.’
Jeremia 42:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musatya henyu mambo weBabironi, iye wamunotya; musamutya henyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruʋoko rwake. Ndicakunzwirai nyasha, kuti iye aʋe nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
Jeremia 42:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)