Jeremia 32:33-41
Jeremia 32:33-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika. Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa. Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze. “Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda’; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka. Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera. Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri. Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
Jeremia 32:33-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; kunyange ndaivadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichivadzidzisa, asi havana kuterera nokutenda kurangwa. “Asi vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba yakatumidzwa zita rangu, kuti vaisvibise. Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumwoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.” Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi nomunondo, nenzara uye nehosha yakaipa, “Tarirai, ndichavaunganidza kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, uye neshungu dzangu huru, ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa. Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera. Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri. Zvirokwazvo, ndichavafarira kuti ndivaitire zvakanaka, ndichavasima zvirokwazvo munyika ino nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
Jeremia 32:33-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakatondipa gotsi vachirega kunditarisa uye kunyange zvazvo ndakaramba ndichivadzidzisa, ivo havana kana kumboteerera kuti vagamuchire zvavaiudzwa. Vakatogadziki zvavo zvandisingade mumba inodaidzwa nezita rangu, kuin'oresa. Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mubani romwanakomana wokwaHinomu pokupira vanakomana vavo navanasikana vavo sezvibayiro kuna Moreki, kunyange zvazvo ini ndisina kuvatuma uye hazvina kana kumbouya mumwoyo mangu kuti vazoita chinhu chandisingade ichi vachipinza vokwaJudha muchitadzo. “Zvino ndokusaka zvava kunzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, maererano neguta irori iri rawati, ‘Ratoiswa mumaoko mamambo weBhabhironi nebakatwa neshangwa yenzara nedenda:’ Chinzwa, ndichavakokorodza kunyika dzose kwandakavadzingira ndakatsamwa ndakashatirwa ndakapaka nehasha zvikuru kwazvo. Ndichavadzorera kunzvimbo ino vachizogara vakachengeteka. Vachava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwechete nenzira imwechete kuitira kuti vagonditya narini wose kuti zvivanakire ivo zvichizonakirawo vana vavo vachauya mushure mavo. Ndichaita chitenderano navo chokugara narini wose chokuti handizomborega kuvaitira zvakanaka. Uye ndichaisa mumwoyo mavo mweya wokunditya kuti varege kuzondifuratira. Ndichafarira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavasima munyika muno nokutendeka ndichizviita nomwoyo wangu wose nomweya wangu wose.
Jeremia 32:33-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakandifuratira, haʋana‐kunditarira neɀiso ɀaʋo; kunyaŋge ndaiʋadzidzisa, ndicimuka maŋgwanani ndiciʋadzidzisa, asi haʋana‐kuterera nokutenda kuraŋgwa. Asi ʋakaisa ɀinonyaŋgadza ɀaʋo muimba yakatumidzwa zita raŋgu, kuti ʋaiȿiɓise. Ʋakaʋaka mitunhu yaBaari, iri mumupata womŋanakomana waHinomi, kuti ʋapinzire Moreki ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo mumŋoto, cinhu candisina‐kuʋaraira, kana candisina‐kufuŋga mumŋoyo maŋgu, kuti ʋaite cinhu ici cinonyaŋgadza, ʋacitadzisa Juda. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri pamsoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruʋoko rwamambo weBabironi nomunondo, nenzara ʋuye nehosha yakaipa: Tarirai, ndicaʋaʋuŋganidza kunyika dzose kwandakaŋga ndaʋadziŋgira nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ʋuye neshuŋgu dzaŋgu huru, ndicaʋadzosera ɀe kunɀimbo ino, nokuʋagarisa ʋakaceŋgetwa. Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo. Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe nenzira imŋe, kuti ʋanditye nokusiŋgaperi, ʋaitirwe ɀakanaka iʋo, naʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera. Ndicaita naʋo suŋgano isiŋgaperi, handiŋgadzoki pakuʋateʋera kuti ndiʋaitire ɀakanaka; ndicaisa kutya mumŋoyo yaʋo kuti ʋanditye, kuti ʋarege kuzotsauka kwandiri. Ɀirokwaɀo, ndicaʋafarira kuti ndiʋaitire ɀakanaka, ndicaʋasima ɀirokwaɀo munyika ino nomŋoyo waŋgu wose ʋuye nomŋeya waŋgu wose.
Jeremia 32:33-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)