Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 32:33-41

Jeremia 32:33-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakandifuratira, haʋana‐kunditarira neɀiso ɀaʋo; kunyaŋge ndaiʋadzidzisa, ndicimuka maŋgwanani ndiciʋadzidzisa, asi haʋana‐kuterera nokutenda kuraŋgwa. Asi ʋakaisa ɀinonyaŋgadza ɀaʋo muimba yakatumidzwa zita raŋgu, kuti ʋaiȿiɓise. Ʋakaʋaka mitunhu yaBaari, iri mumupata womŋanakomana waHinomi, kuti ʋapinzire Moreki ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo mumŋoto, cinhu candisina‐kuʋaraira, kana candisina‐kufuŋga mumŋoyo maŋgu, kuti ʋaite cinhu ici cinonyaŋgadza, ʋacitadzisa Juda. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri pamsoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruʋoko rwamambo weBabironi nomunondo, nenzara ʋuye nehosha yakaipa: Tarirai, ndicaʋaʋuŋganidza kunyika dzose kwandakaŋga ndaʋadziŋgira nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ʋuye neshuŋgu dzaŋgu huru, ndicaʋadzosera ɀe kunɀimbo ino, nokuʋagarisa ʋakaceŋgetwa. Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo. Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe nenzira imŋe, kuti ʋanditye nokusiŋgaperi, ʋaitirwe ɀakanaka iʋo, naʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera. Ndicaita naʋo suŋgano isiŋgaperi, handiŋgadzoki pakuʋateʋera kuti ndiʋaitire ɀakanaka; ndicaisa kutya mumŋoyo yaʋo kuti ʋanditye, kuti ʋarege kuzotsauka kwandiri. Ɀirokwaɀo, ndicaʋafarira kuti ndiʋaitire ɀakanaka, ndicaʋasima ɀirokwaɀo munyika ino nomŋoyo waŋgu wose ʋuye nomŋeya waŋgu wose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 32