Jeremia 31:15-17
Jeremia 31:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.” Zvanzi naJehovha: “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi. Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”
Jeremia 31:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Izwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo. Zvanzi naJehovha, ‘Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo. Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.’
Jeremia 31:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi, “Izwi rinonzwika kuRama, kuungudza nokuhwihwidza kuchema Rakeri achiridzira mhere vana vake vachiramba kunyaradzwa nezvevana vake pamusana pokuti havasisipo.” Zvanzi naTenzi, “Izwi rako ngarichirega kana kuburitsa misodzi mumaziso mako nokuti uchapiwa mubayiro webasa rako, ndizvo zviri kutaura Tenzi, uye vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi. Chitarisiro chichiripo choupenyu hwako hweramangwana ndizvo zviri kutaura Tenzi uye vana vako vachadzoka kunyika yavo.
Jeremia 31:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Inzwi rinonzwika muRama, rokuwuŋgudza nokucema kukuru, Rakeri unocema ʋana ʋake; unoramba kunyaradzwa pamsoro paʋana ʋake, nokuti haʋaci’po. Ɀanzi naJehova: Dzora inzwi rako pakucema, nameso ako pamisodzi, nokuti ɓasa rako ricaripirwa muɓairo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋacadzoka ɀe ʋacibva kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo. Mugumo wako unetariro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋana ʋako ʋacadzokera ɀe kumiganho yaʋo.
Jeremia 31:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)