Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 30:1-17

Jeremia 30:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza. Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva kuutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.” Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha: “Zvanzi naJehovha: “ ‘Tinonzwa kuchema kwevanotya, kwokutyisidzirwa, kwete kworugare. Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi orwadziwa, zviso zvose zvachenuruka? Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! Hakuna richafanana naro. Ichava nguva yaJakobho yokutambudzika, asi achaponeswa pairi. “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa. Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo, iye wandichavamutsira. “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvirokwazvo ndichakuponesa kubva kunyika iri kure, zvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo. Jakobho achavazve norunyararo uye nokuchengetedzeka, uye hakuna achazomutyisa. Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadze zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’ “Zvanzi naJehovha: “ ‘Ronda rako harirapiki, kukuvadzwa kwako hakupori. Hakuna anokureverera mhaka yako, vanga rako harina mushonga, hapana kuporeswa kwako. Vose vaikuda vakakukanganwa; havachina hanya newe. Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi ndikakuranga sezvinoitwa neano utsinye nokuti mhosva yako ihuru uye zvivi zvako zvakawanda. Unochemeiko pamusoro pevanga rako, nokurwadziswa kwako kusingarapike? Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji ndakaita zvinhu izvi kwauri. “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo; vavengi vako vose vachaenda kuutapwa. Vanokupamba, vachapambwawo; vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo. Asi ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 30

Jeremia 30:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shoko, rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Nyora mashoko ose andakakuudza mubhuku. Nokuti, tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichadzosa vanhu vangu vaIsiraeri naJudha pakutapwa kwavo ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.’ ” Awa ndiwo mashoko akataura Jehovha pamusoro paIsiraeri napamusoro paJudha. Nokuti zvanzi naJehovha, “Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri norugare. Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka? Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri. “Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichavhuna joko rake pamutsipa wako, ndichadambura zvisungo zvako; vatorwa havangazomuiti muranda wavo; asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira. Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri, nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa. Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa.” Nokuti zvanzi naJehovha, “Kukuvadzwa kwako hakubviri kuporeswa, vanga rako rakaipa kwazvo. Hakuna unoreverera mhaka yako, kuti urapwe; hauna mishonga inoporesa. Vose vaikuda vakukanganwa, havakuvingi, nokuti ndakakukuvadza nevanga romuvengi, uye nokurova kwoune hasha, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda. Unochemeiko pamusoro pokukuvadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira zvinhu izvi, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda. Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwawo; vadzivisi vako vose, mumwe nomumwe wavo, vachatapwa; vanokupamba vachapambwa, vose vanokuparadza, ndichavaisa kukuparadzwa. Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, ‘NdiZioni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 30

Jeremia 30:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, nyora mubhuku mashoko ose andakakutaurira nokuti zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichadzosera vanhu vangu vokwaIsiraeri nevokwaJudha makomborero, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye ndichavaunzazve kunyika yandakapa kumadzibaba avo vagoiitazve yavo.” Aya mazwi akataurwa naTenzi achireva nezvevokwaIsiraeri novokwaJudha: “Zvanzi naTenzi, ‘Takanzwa mhere inodederesa inotyisa isina rugare.’ “Imbobvunzai zvenyu muzvione, munhurume angapone mwana here? Zvamboita sei chaizvo kuti ini ndione murume wose akabata chiuno namaoko somukadzi ari pakusununguka? Uso hwomunhu wose kuchenuruka kudai zvaita sei chaizvo? “Hezvino ndakadai, ‘Zuva iroro izuva guru, hakuna kana nerimwe rakaita sairoro, inguva yenhamo chaiyo kune vokwaJakobho asi vachanunurwa zvavo mariri.’ ” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musi iwoyo zvichaitika ndezvokuti ndichatyora joko ndichiribvisa mumutsipa mavo uye ndichagwishura tambo dzenyu, vechirudzi havazombova madzichangamire avo. “Asi kutoti vachashandira Tenzi, Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira. “Zvino iwe Jakobho, muranda wangu, rega zvako kutya, kana kudumbirwa nazvo iwe Isiraeri, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, nokuti, chionai, ndichakununurai ikoko kunzvimbo iri kure. Vana vako ndichavanunura munyika youranda hwavo. VokwaJakobho vachadzoka vavave norunyararo norudekaro, hapana achavatyisidzira nokuti ndinemi kuitira kuti ndikununurei, ndizvo zvinorehwa naTenzi. Nokuti marudzi ekwandakakumwararidzai ndichaaparadza imi handisi kuzokuparadzai zvachose, asi ndichakurangaiwo nemwerowo wakafanira, handisi kuzokuregai musina kurangwa.” Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, “Kukuvara kwenyu hakucharapiki, ronda renyu rakakurisisa. Chichemo chako hachina achapipirira, hapana mushonga weronda rako, zvokupora haupore. “Vadiwa vako vose vakukanganwa, havana kana hanya newe nokuti ndakakurova nokurova kwomuvengi, chirango chomuvengi ane utsinye nokuti mhosva yako ihuru, nokuti zvitadzo zvako zvakawanda. Chaunochema kukuvadzwa kwako chii? Marwadzo ako haachapora Pamusana pokukura kwemhosva yako, pamusanawo pokuwanda kwezvitadzo zvako, ndokusaka ndakaitawo izvozvi kwauri. “Naizvozvo vose vanokuparadza vachaparadzwawo, uye vavengi vako vose zvavo, mumwe nomumwe wavo vachaenda kuutapwa. Vanokupamba iwe vachavawo nhapwa. Vose vanokuita nyama yamagora ini ndichavaitawo nyama yamagora nokuti ndichakudzosera utano hwako maronda ako ndichiaporesa ndizvo zviri kutaura Tenzi pamusana pokuti vakakutumidza kuti ‘Musemwa.’ Vachitokuti, ‘Zionimurambwanavose.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 30

Jeremia 30:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shoko, rakaʋuya kunaJeremia ricibva kunaJehova, riciti: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Nyora mashoko ose andakakuʋudza mubuku. Nokuti, tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicadzosa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri naJuda pakutapxa kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicaʋadzosera kunyika yandakapa madziɓaɓa aʋo, iʋe yaʋo. Awa ndiwo mashoko akataura Jehova pamsoro paIsraeri napamsoro paJuda. Nokuti ɀanzi naJehova: Takanzwa inzwi rinoɗeɗeresa, rinotyisa, risati riri rorugare. Bvunzai ɀino muʋone kana murume uŋgagona kusurumuka; ndinoʋonereiko murume mumŋe nomumŋe akaisa maʋoko ake paciʋuno cake somukadzi unosurumuka, neɀiso ɀose ɀakaceneruka? Maiwe! Nokuti zuʋa iro iguru, hakuna‐rakafanana naro; iŋguʋa yokutambudzika kwaJakobo; asi ucasunuŋgurwa paɀiri. Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicavuna joko rake pamutsipa wako, ndicaɗambura ɀisuŋgu ɀako; ʋatorwa haʋaŋgazomuiti muranda waʋo; asi ʋacashumira Jehova Mŋari waʋo, naDavidi mambo waʋo, wandicaʋamutsira. Naiɀoɀo usatya hako, iwe Jakobo muranda waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; usavunduka hako, iwe Israeri, nokuti tarira, ndicakuponesa uri kure, naʋana ʋako kunyika kwaʋakatapirwa; Jakobo ucadzoka, ucagara akagadzikana anorugare, hakuna‐uŋgamutyisa. Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicagumisa cose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handiŋgakugumisi cose; asi ndicakuraŋga nokururama, handiŋgatoŋgokuregi usinokurobga. Nokuti ɀanzi naJehova: Kukuʋadzwa kwako hakubviri kuporeswa, ʋaŋga rako rakaipa kwaɀo. Hakuna‐unoreʋerera mhaka yako, kuti urapxe; haunemishoŋga inoporesa. Ʋose ʋaikuɗa ʋakukaŋganwa, haʋakuʋiŋgi, nokuti ndakakukuʋadza neʋaŋga romuʋeŋgi, ʋuye nokuroʋa kwounehasha, nokuɗa kwoʋukuru bgeɀakaipa ɀako, nokuti ɀiʋi ɀako ɀakaŋga ɀawanda. Unocemeiko pamsoro pokukuʋadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira ɀinhu iɀi, nokuɗa kwoʋukuru bgeɀakaipa ɀako, nokuti ɀiʋi ɀako ɀakaŋga ɀawanda. Naiɀoɀo ʋose ʋanokudya ʋacadyiwa ʋo; ʋadziʋisi ʋako ʋose, mumŋe nomumŋe waʋo, ʋacatapxa; ʋanokupamba ʋacapambga, ʋose ʋanokuparadza, ndicaʋaisa kukuparadzwa. Nokuti ndicakudzosera mufaro pamuʋiri, ndicakuporesa maʋaŋga ako — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀaʋakakutumidza zita rinonzi Murashwa, ʋaciti: NdiZioni ɀaro, hakunomunhu unehanya naro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 30

Jeremia 30:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)