Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 29:1-14

Jeremia 29:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vachiri vapenyu pakati pavatapwa, nokuvaprista navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema. (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.) Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa kuutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema: “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo. Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda. Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.” Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote. Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 29

Jeremia 29:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumwa nomuporofita Jeremiya ari paJerusaremu kuvakuru vakanga vasara kuna vakatapwa, nokuvapristi nokuvaporofita, nokuvanhu vose, vakanga vakatapwa paJerusaremu naNebhukadhinezari, vakaiswa Bhabhironi, (Shure kwokubva paJerusaremu kwamambo Jekonia, namai vake, navaranda, namachinda aJudha neeJerusaremu, navavezi, navapfuri), noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria, mwanakomana waHirikia, vakanga vatumwa Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti, “Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kuna vose vakatapwa, vandakatapisa Jerusaremu vaiswe Bhabhironi. “Zvivakirei dzimba, mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo; wanai vakadzi, mubereke vanakomana navanasikana; wanisai vanakomana venyu vakadzi, navanasikana venyu muvaise kuvarume, kuti vabereke vanakomana navanasikana, muwandeko, murege kutapudzwa. Mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti norugare rwaro imi muchava norugarewo. Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuterera kurota kwenyu kwamunoroteswa.’ “Nokuti vanokuporofiterai nhema nezita rangu; ini handina kuvatuma, ndizvo zvinotaura Jehovha.” Nokuti zvanzi naJehovha, “Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro. Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomwoyo wenyu wose. Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 29

Jeremia 29:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Haanoi mashoko etsamba yakatumirwa naJeremiya ichibva kuJerusaremu ichienda kuvakuru vakuru vose vevakatapwa vaya, nokuvapristi nokuvaporofita nokuvanhu vose vakanga vatapwa naNebhukadhineza muJerusaremu vachiendwa navo kuutapwa kuBhabhironi. Izvozvo maiva mushure mokunge mambo Jekoniya naamai vamambo uyu navayuniki namachinda okwaJudha neveJerusaremu nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare dzabva muJerusaremu. Tsamba iyi yakatumidzirwa namaoko aErasa mwanakomana waShafani aina Gemariya mwanakomana waHirikiya akatumwa naZedhekiya mambo wokwaJudha kuBhabhironi kuna Nebhukadhineza mambo weBhabhironi ichiti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri kunemi nhapwa dzose dzandakaendesa kuBhabhironi kuutapwa dzichibva kuJerusaremu: “Vakai dzimba mugaremo zvenyu, simai mapindu mudye zvinobudamo. Roorai vakadzi muve navana vakomana navasikana. Roorerai vakadzi vanakomana venyu muroodzewo vanasikana venyu kuti vabereke vana vakomana navasikana muwande ikoko murege kushomeka. Vavarirai kuti guta randinenge ndakuendesai muutapwa rive norugare murinamatire kuna Tenzi nokuti kugarika kwaro ndiko kugarikawo kwenyu. Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, Musanyengedzwe navaporofita venyu vari mukati menyu. Musanzwe zviroto zvavanorotomoka nokuti inhema dzavanoprofita kwamuri muzita rangu. Handina kumbovatuma, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino, nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai. Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose. Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 29

Jeremia 29:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumŋa nomuprofita Jeremia ari paJerusarema kuʋakuru ʋakaŋga ʋasara kunaʋakatapxa, nokuʋaprista nokuʋaprofita, nokuʋanhu ʋose, ʋakaŋga ʋakatapxa paJerusarema naNebukadnezari, ʋakaiswa Babironi, (Shure kwokubva paJerusarema kwamambo Jekonia, namai ʋake, naʋaranda, namacinda aJuda neeJerusarema, naʋaʋezi, naʋapfuri), noruʋoko rwaErasa, mŋanakomana waShafani, naGemaria, mŋanakomana waHirkia, ʋakaŋga ʋatumŋa Babironi naZedekia mambo waJuda kunaNebukadnezari mambo weBabironi, aciti: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, kunaʋose ʋakatapxa, ʋandakatapisa Jerusarema ʋaiswe Babironi: Ɀiʋakirei dzimba, mugare’mo; simai minda, mudye ɀiɓereko ɀayo; wanai ʋakadzi, muɓereke ʋanakomana naʋanasikana; wanisai ʋanakomana ʋenyu ʋakadzi, naʋanasikana ʋenyu muʋaise kuʋarume, kuti ʋaɓereke ʋanakomana naʋanasikana, muwande’ko, murege kutapudzwa. Mutȿake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyeŋgeterere kunaJehova; nokuti norugare rwaro imi mucaʋa norugare ʋo. Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ʋaprofita ʋenyu, ʋari pakati penyu, naʋaʋuki ʋenyu, ŋgaʋarege kukunyeŋgerai; regai kuterera kurota kwenyu kwamunoroteswa. Nokuti ʋanokuprofiterai nhema nezita raŋgu; ini handina‐kuʋatuma, — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɀanzi naJehova: Kana makore makumi manomŋe aperera Babironi, ndicakushanyirai, nokukusimbisirai shoko raŋgu rakanaka, ndicikudzoserai kunɀimbo ino. Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai. Mucanditȿaka, mukandiwana, kana mucinditȿaka nomŋoyo wenyu wose. Ndicawanikwa nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakudzosai pakutapxa kwenyu, nokukuʋuŋganidzai kumarudzi ose, nokunɀimbo dzose kwandakaŋga ndakudziŋgirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakudzoserai ɀe kunɀimbo kwandakaŋga ndakutapisai.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 29

Jeremia 29:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)