Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 29:1-14

Jeremia 29:1-14 SUB1949

Ɀino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumŋa nomuprofita Jeremia ari paJerusarema kuʋakuru ʋakaŋga ʋasara kunaʋakatapxa, nokuʋaprista nokuʋaprofita, nokuʋanhu ʋose, ʋakaŋga ʋakatapxa paJerusarema naNebukadnezari, ʋakaiswa Babironi, (Shure kwokubva paJerusarema kwamambo Jekonia, namai ʋake, naʋaranda, namacinda aJuda neeJerusarema, naʋaʋezi, naʋapfuri), noruʋoko rwaErasa, mŋanakomana waShafani, naGemaria, mŋanakomana waHirkia, ʋakaŋga ʋatumŋa Babironi naZedekia mambo waJuda kunaNebukadnezari mambo weBabironi, aciti: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, kunaʋose ʋakatapxa, ʋandakatapisa Jerusarema ʋaiswe Babironi: Ɀiʋakirei dzimba, mugare’mo; simai minda, mudye ɀiɓereko ɀayo; wanai ʋakadzi, muɓereke ʋanakomana naʋanasikana; wanisai ʋanakomana ʋenyu ʋakadzi, naʋanasikana ʋenyu muʋaise kuʋarume, kuti ʋaɓereke ʋanakomana naʋanasikana, muwande’ko, murege kutapudzwa. Mutȿake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyeŋgeterere kunaJehova; nokuti norugare rwaro imi mucaʋa norugare ʋo. Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ʋaprofita ʋenyu, ʋari pakati penyu, naʋaʋuki ʋenyu, ŋgaʋarege kukunyeŋgerai; regai kuterera kurota kwenyu kwamunoroteswa. Nokuti ʋanokuprofiterai nhema nezita raŋgu; ini handina‐kuʋatuma, — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɀanzi naJehova: Kana makore makumi manomŋe aperera Babironi, ndicakushanyirai, nokukusimbisirai shoko raŋgu rakanaka, ndicikudzoserai kunɀimbo ino. Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai. Mucanditȿaka, mukandiwana, kana mucinditȿaka nomŋoyo wenyu wose. Ndicawanikwa nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakudzosai pakutapxa kwenyu, nokukuʋuŋganidzai kumarudzi ose, nokunɀimbo dzose kwandakaŋga ndakudziŋgirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakudzoserai ɀe kunɀimbo kwandakaŋga ndakutapisai.

Verenga chikamu Jeremia 29