Jeremia 25:9
Jeremia 25:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
‘Iniwo ndava kukoka vemadzinza ose okuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichikoka Nebhukadhireza mambo weBhabhironi, muranda wangu ndigovaunza kuzorwisa nyika iyoyi navagari vayo kuzorwisawo marudzi ose akaitenderera. Ndichavaparadza zvachose ndichivaita kuti vave chinhu chinokatyamadza, nechinhu chinoridzirwa tsamwa nechinhu chokutukisa nacho.
Jeremia 25:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ndichadana marudzi ose okumusoro uye nomuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichavauyisa kuzorwa nenyika ino navanogaramo uye nendudzi dzose dzakavapoteredza. Ndichavaparadza zvachose uye ndichavaita chinhu chinovengwa nechinosekwa, nedongo nokusingaperi.
Jeremia 25:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza; ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.
Jeremia 25:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
‘Iniwo ndava kukoka vemadzinza ose okuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichikoka Nebhukadhireza mambo weBhabhironi, muranda wangu ndigovaunza kuzorwisa nyika iyoyi navagari vayo kuzorwisawo marudzi ose akaitenderera. Ndichavaparadza zvachose ndichivaita kuti vave chinhu chinokatyamadza, nechinhu chinoridzirwa tsamwa nechinhu chokutukisa nacho.
Jeremia 25:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
tarirai, ndicatuma shoko kumarudzi ose ari kurutiʋi rwokumsoro, ndiʋaʋuyise, nokunaNebukadrezari mambo weBabironi, muranda waŋgu, ndiʋaʋuyise ʋarwe nenyika ino, naʋagere’mo, namarudzi awa ose akaipoteredza; ndicaʋaparadza cose, nokuʋaita cishamiso, necinoridzirwa muridzo, namatoŋgo nokusiŋgaperi.