Jeremia 25:11-12
Jeremia 25:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyika ino yose ichava dongo zvaro risina kana chinhu; marudzi ose iwaya achashandira mambo weBhabhironi kwamakumi manomwe amakore. Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose.
Jeremia 25:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyika ino yose ricaʋa ɗoŋgo, necishamiso; marudzi awa acaɓatira mambo weBabironi makore anamakumi manomŋe. Ɀino kana makore anamakumi manomŋe apera — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaroʋa mambo weBabironi, norudzi urwo pamsoro peɀakaipa ɀaʋo, nenyika yaʋaKardea; ndicaiita matoŋgo nokusiŋgaperi.
Jeremia 25:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyika ino yose ichava dongo, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe. “Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaiita dongo nokusingaperi.
Jeremia 25:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso; marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe. “Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
Jeremia 25:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)