Jeremia 20:11
Jeremia 20:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwiki.
Jeremia 20:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
Jeremia 20:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Tenzi aneni somurwi wehondo anotyisa. Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa uye havambondikunda. Vachanyadziswa zvikuru nokuti havasi kuzombobudirira. Kunyadziswa kwavo kusingaperi hakusi kuzombofa kwakakanganikwa.
Jeremia 20:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Jehova uneni semhare inotyisa; saka ʋamanikidzi ʋaŋgu ʋacagumburwa, haʋaŋgakundi; ʋacanyadziswa kwaɀo, nokuti haʋana‐kuita noʋucenjeri, nokunyadzwa kusiŋgaperi, kusiŋgazokaŋganikwi.
Jeremia 20:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)