Jeremia 2:11-13
Jeremia 2:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo. Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
Jeremia 2:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri. Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.
Jeremia 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri. “Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi; nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura.
Jeremia 2:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura.
Jeremia 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)