Jeremia 18:1-12
Jeremia 18:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, “Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.” Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri. Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe, uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera. Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe uye zvisimwe, uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira. “Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’ Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’ ”
Jeremia 18:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti, “Simuka, uburukire kuimba yomuumbi wehari; ipapo ndichakuzivisa mashoko angu.” Zvino ndakaburukira kuimba yomuumbi wehari, ndikamuwana achibata basa pamakuyo. Zvino mudziyo waakanga achiita nevhu wakati washatiswa mumaoko omuumbi, akaumbazve naro mumwe mudziyo, sezvaakafunga iye muumbi wehari. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Nhai, imi imba yaIsiraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsiraeri. Nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza; kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira. Uye nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharuvaka nokurusima; kana vakaita zvinhu zvakaipa pamberi pangu, vakasaterera inzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pamusoro pezvakanaka zvandakanga ndichiti ndichavaitira.’ Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, ‘Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.’ “Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo, nokuti tichafamba sezvatinofunga, mumwe nomumwe wedu uchaita nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa.’ ”
Jeremia 18:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, “Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.” Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera. Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake. Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti, “Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri. Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri. Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima, kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira. Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’ “Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ”
Jeremia 18:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko rakaʋuya kunaJeremia, ricibva kunaJehova, riciti: Simuka, uɓurukire kuimba yomuʋumbi wehari, ipapo ndicakuziʋisa mashoko aŋgu. Ɀino ndakaɓurukira kuimba yomuʋumbi wehari, ndikamuwana aciɓate‐ɓasa pamakuyo. Ɀino mudziyo waakaŋga aciita nevu wakati washatiswa mumaʋoko omuʋumbi, akaʋumba ɀe naro mumŋe mudziyo, seɀaakafuŋga iye muʋumbi wehari. Ipapo shoko raJehova rakaʋuya kwandiri riciti: Ɀanzi naJehova: Nhai, imi imba yaIsraeri, handiŋgagoni kuita nemi seɀinoita muʋumbi uyu wehari here? Tarirai, ivu seɀarakaita muruʋoko rwomuʋumbi wehari, ndiɀo ɀamakaita muruʋoko rwaŋgu, imi imba yaIsraeri. Neŋguʋa yandicataura pamsoro porudzi rwaʋanhu, napamsoro poʋushe, kuti ndicarudzura, nokuruputsa, nokuruparadza; kana rudzi urwo, rwandakataura ɀinhu iɀi pamsoro parwo, rukaɀidzora paɀakaipa ɀarwo, ini ndicaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀandakafuŋga kuʋaitira. Ʋuye neŋguʋa yandicataura pamsoro porudzi rwaʋanhu, napamsoro poʋushe, kuti ndicaruʋaka nokurusima; kana ʋakaita ɀinhu ɀakaipa pamberi paŋgu, ʋakasaterera inzwi raŋgu, ipapo ndicaɀiɗemba pamsoro peɀakanaka ɀandakaŋga ndiciti ndicaʋaitira. Naiɀoɀo ɀino, taura naʋanhu ʋaJuda naʋagere Jerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinokufuŋgirai ɀakaipa, ndinoraŋgana mano akaipa pamsoro penyu; ɀino dzokai mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namaɓasa enyu. Asi iʋo ʋanoti: Haɀinamaturo, nokuti ticafamba seɀatinofuŋga, mumŋe nomumŋe weɗu ucaita noʋukukutu bgomŋoyo wake wakaipa.
Jeremia 18:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)