Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 18:1-12

Jeremiya 18:1-12 SCLB

Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, “Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.” Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera. Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake. Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti, “Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri. Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri. Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima, kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira. Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’ “Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ”

Verenga chikamu Jeremiya 18