Jeremia 10:23-24
Jeremia 10:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake. Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira, kwete mukutsamwa kwenyu, kuti murege kundiparadza zvachose.
Jeremia 10:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu asi muite nokururama; musazviita nokutsamwa kwenyu, kuti murege kundipedza chose.

Jeremia 10:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhai Tenzi! Inga ndinoziva wani kuti munhu haasiri iye pachake anozvirongera gwara rokufamba naro, uye kuti pakufamba munhu haasiri iye anozvitungamirira. Imi Tenzi, kundidzora, ndidzorei henyu, asi zviri pamwero musina kushatirwa nokuti mungadaro mukaita kuti pangu pandiperere.
Jeremia 10:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, Jehova, ndinoziʋa kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehova, ndiraŋgei henyu, asi muite nokururama; musaɀiita nokutsamŋa kwenyu, kuti murege kundipedza cose.
Jeremia 10:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)