Jeremia 1:5-19
Jeremia 1:5-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.” Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure, ubvarure, uparadze, ukoromore, uvake uye usime.” Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.” Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.” Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.” Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro. Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe pamasuo eJerusarema; vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza uye namaguta ose eJudha. Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya, vachipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari uye vachinamata zvakaumbwa namaoko avo. “Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo. Nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika. Vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 1:5-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai; ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura. Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ini ndinewe, kuti ndikurwire.’ ” Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, “Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima.” Ipapo shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti, “Jeremiya, unoonei?” Ndikati, “Ndinoona davi romuamanda.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka; nokuti ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite.” Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, “Unoonei?” Ndikati, “Ndinoona gate rinovira, muromo waro unotarira kuno uri kurutivi rwokumusoro.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kurutivi rwokumusoro ndiko kuchabuda zvakaipa zvichawira vanhu vose vagere panyika ino. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo. Ndichareva zvandakavatongera pamusoro pezvakaipa zvavo zvose, zvavakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanamata mabasa amaoko avo. Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo, kuti ndirege kukuvhundusa pamberi pavo. Nokuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapristi vavo, navanhu venyika. Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
Jeremia 1:5-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai, ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura. Ndakakureresa ndakakusarudza somuporofita kumarudzi avanhu.” Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!” Asi Tenzi akati kwandiri, “Rega kuti ndiri muduku, nokuti kune vose vandinenge ndakutuma unofanira kuenda uye zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura. Rega kuvatya nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura. Ndozviri kutaura Tenzi.” Tenzi akabva atambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu Tenzi akati kwandiri, “Chinzwa unzwe, ndaisa mazwi angu mukanwa mako. “Chiona, nhasi uno ndakupa masimba pamusoro pamarudzi namadzimambo okudzipura nookupaza, okuparadza, nookukurira okuvaka nookusima.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Jeremiya, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona bazi romuarimondi.” Tenzi ndokuti kwandiri, “Waona zvazviri, nokuti ini ndiri kutarisa kuti shoko rangu rakazadzikiswa.” Izwi raTenzi rakazouyazve kwandiri richiti, “Chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona hari iri pamoto iri kuvira yakafuratira kuchamhembe.” Tenzi akati kwandiri, “Kuchamhembe uku kuchabva nhamo ichawira vagari vose venyika ino. Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha. Ndichavatemera chirango chezvakaipa zvavo zvose zvokundifuratira kwamakaita vachipisira vamwe vamwari rusenzi nokupfugamira mabasa avanoita namaoko avo. Asi iwe wochisunga dzisimbe usimuke uvataurire zvose zvandinokuudza. Rega kuvatya, ukavatya ndinokuita mbwende pamberi pavo. Tarisa uone, nhasi uno, ini iyeni ndakuita guta retsvingo, nomusimboti wesimbi chaiwo, namasvingo endarira kurwisana nenyika ino yose zvayo namadzimambo okwaJudha namachinda ayo navapristi vayo navagari vayo. Vachakurwisa asi havazokukurira nokuti ini ndinewe ndichazokununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Jeremia 1:5-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu. Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu. Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura. Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire. Ipapo Jehova akatambanudza ruʋoko rwake, akaɓata muromo waŋgu; Jehova akati kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko aŋgu mumuromo mako. Tarira, ndakugadza zuʋa ranhasi uʋe nesimba pamsoro pamarudzi noʋushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuʋaka nokurima. Ipapo shoko raJehova rakaʋuya ɀe kwandiri, riciti: Jeremia, unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona ɗaʋi romuamanda. Ipapo Jehova akati kwandiri: Waʋona ɀakanaka; nokuti ndinoȿinurira shoko raŋgu, kuti ndiriite. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: Unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona gate rinoʋira, muromo waro unotarira kuno‐uri kurutiʋi rwokumsoro. Ipapo Jehova akati kwandiri: Kurutiʋi rwokumsoro ndiko kucaɓuɗa ɀakaipa ɀicawira ʋanhu ʋose ʋagere panyika ino. Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo. Ndicareʋa ɀandakaʋatoŋgera pamsoro peɀakaipa ɀaʋo ɀose, ɀaʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanamata maɓasa amaʋoko aʋo. Ɀino iwe, ciɀisuŋga ciʋuno, usimuke, uʋaparidzire ɀose ɀandakakuraira; usavunduka nokuɗa kwaʋo, kuti ndirege kukuvundusa pamberi paʋo. Nokuti tarira, ndakakuita zuʋa ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yeɗare, namaȿiŋgo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJuda, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋanhu ʋenyika. Ʋacarwa newe, asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 1:5-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)