Jeremia 1:4-8
Jeremia 1:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.” Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 1:4-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai; ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura. Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ini ndinewe, kuti ndikurwire.’ ”
Jeremia 1:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai, ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura. Ndakakureresa ndakakusarudza somuporofita kumarudzi avanhu.” Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!” Asi Tenzi akati kwandiri, “Rega kuti ndiri muduku, nokuti kune vose vandinenge ndakutuma unofanira kuenda uye zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura. Rega kuvatya nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura. Ndozviri kutaura Tenzi.”
Jeremia 1:4-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu. Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu. Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura. Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire.
Jeremia 1:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)