Vatongi 7:9-14
Vatongi 7:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usiku ihwohwo, Jehovha akati kuna Gidheoni, “Simuka, buruka uende kumusasa, nokuti ndiri kuzouisa mumaoko ako. Asi kana uchitya kuenda, buruka uende kumusasa naPura muranda wako. Uchanzwa zvavanotaura. Shure kwaizvozvo uchanzwa kukurudzirwa kuti urwise musasa.” Saka iye naPura muranda wake vakaburuka vakasvika kuvarindi vokunze kwomusasa. VaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara mumupata, vakawanda semhashu. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki, dzakawanda sejecha remahombekombe egungwa. Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.” Shamwari yake yakapindura ikati, “Hachingavi chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi, muIsraeri. Mwari aisa vaMidhiani nomusasa wose mumaoko ake.”
Vatongi 7:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, “Simuka, uburukire kumisasa, nokuti ndakavaisa muruoko rwake. Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako; ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa.” Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa. Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa. Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, “Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.” Shamwari yake ikapindura, ikati, “Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri; Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.”
Vatongi 7:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usiku hwakarehwo Tenzi akamuti, “Simuka uende kumatendhe avo nokuti ndaaisa mumaoko ako. Kana uchitya kudzikako, chiperekedzanai nomuranda wako Pura, mundonzwa zvavari kutaura, unobva wasimba mwoyo, wozodzika kundorwisa hondo yavo.” Saka iye nomuranda wake Pura vakaenda kumapeto kwamatendhe kwaiva navarume vehondo. VaMidhiani nevaAmareki navanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara vachitevedzana nebani iroro vakaita semhashu kuwanda. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki dzakangoita sejecha repamahombekombe pegungwa. Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.” Mumwe wake ndokuti, “Hakuna chimwe. Ibakatwa raGidheoni mwanakomana waJoashi muIsiraeri. Tenzi atoisa vaMidhiani nehondo yavo yose mumaoko ake.”
Vatongi 7:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino noʋusiku ubgo Jehova akati kwaari: Simuka, uɓurukire kumisasa, nokuti ndakaʋaisa muruʋoko rwako. Asi kana ucitya kuɓuruka, uɓuruke kumisasa unaPura muranda wako; ugondonzwa ɀaʋanotaura; shure kwaiɀoɀo maʋoko ako acasimbiswa kuɓurukira kumisasa. Ipapo akaɓuruka anaPura muranda wake, kuȿikira kumudziʋo waʋarwi, ʋakaŋga ʋari pamisasa. Ɀino ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋose ʋamabvazuʋa ʋakaŋga ʋari mumupata, ʋakawanda semhashu; namakamera aʋo akaŋga asiŋgagoni kuʋereŋgwa, akaŋga akawanda sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa. Ɀino Gideoni wakati aȿika, akanzwa munhu wakaŋga acirondedzera kurota kwake kushamŋari yake, akati: Tarira, ndarota hope, ndikaʋona ciŋgwa cakaɓikwa cebari cicikuŋgurukira kumisasa yaMidiani, cikaȿika patente, ndokuriroʋa rikawa; cikaritsindikira, tente rikaʋata pasi. Shamŋari yake ikapindura, ikati: Hacizi cimŋe cinhu, asi ndiwo munondo waGideoni, mŋanakomana waJoashi, murume waIsraeri; Mŋari wakaisa Midiani nehondo yose muruʋoko rwake.
Vatongi 7:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)